‘Haugone kuchengeta mhuri’

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
‘Haugone kuchengeta mhuri’

Kwayedza

Ashley Muchamiri
MUDZIMAI anogara kuHopley, muHarare, akaendesa murume wake kudare redzimhosva achida $1 500 yekuriritira vana vavo vatatu.

Sofia Chidhakwa akaudza dare reHarare Civil Court kuti murume wake, Cosmas Mbengo, haasi kuchengeta vana vavo zvisinei nekuti anotengesa zvirimwa pamusika weMbare achiwana $3 000 pamwedzi.

“Ndinoda kuti murume uyu andipewo $1 500 yemendenenzi yevana vatatu vandakaita naye avo vaasiri kuriritira,” anodaro.

Anoti Mbengo anotengesa pamusika wekuMbare achiwana $3 000 pamwedzi asi haariritire mhuri yake uye iyewo anotengesa zvinhu pamusika kuHopley achiwana $70 pamwedzi iyo isingakwane kuchengeta vana vavo.

“Ini ndinoshanda basa rekutengesa pamusika ndichiwana $70 pamwedzi. Murume wangu anoshanda kumusika weMbare achitengesa zvirimwa achiwana $3 000 pamwedzi asi haakwanise kuriritira mhuri,” anodaro.

Chidhakwa anoti vana vake vari kuenda kuzvikoro zvakazvimiririra nekuda kwekuti havana magwaro ekuzvarwa.

“Vana vangu vari kudzidza muzvikoro zvakazvimiririra nekuda kwekuti havana magwaro ekuzvarwa, baba vavo havana kuvatoresa,” anodaro.

Mbengo haana kuenda kudare kunopawo divi rake.

Mutongi Sheila Nanzombe anoti Mbengo abhadhare $450 pamwedzi yekuriritira vana vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>