HD auya ne’Dzinza Rapera’ nezvinodhaka

03 May, 2023 - 16:05 0 Views
HD auya ne’Dzinza Rapera’ nezvinodhaka David HD Hondoyedzomba

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-fusion ane mukurumbira – David ‘HD’ Hondoyedzomba – ari kutora chikamu chikuru mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki zvichitevera kutsikisa kwaakaita kambo kanonzi ‘Dzinza Rapera’.

Kambo aka kanotaura pamusoro pekukanganiswa kweupenyu hwevechidiki pamwe nevakuru avo vari kutora zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro, bronco nembanje.

HD anoti akanyora kambo aka nechinangwa chekuti abatsire kurwisa kutorwa kwezvinodhaka.

“Ndikatarisa vechidiki vazhinji, ndinorwadziwa mwoyo nekuti upenyu hwavo hwaenda kumawere nekuda kwezvinodhaka zvavari kutora izvo zviri kuvakanganisa.

“Naizvozvo ndakatora chikamu chekurwisa dambudziko iri nekuparidza huipi hwekutora zvinodhaka uye ndichikurudzira vemutemo kuti ngavaite basa zvinodhaka zvibviswe munharaunda vechidiki vedu vasarambe vachikanganiswa,” anodaro.

HD, uyo anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzakadai saUsandisiye, Bhora Mberi uye Baba Munenge Rombe, anoti vaimbi vanofanirwa kubatana pakurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka munyika.

“Ndinokurudzira vamwe vaimbi kuti ngatiite mushandirapamwe titaure nezwi rimwe chete zvizivikanwe kuti zvinodhaka zvakashata uye zvinokanganisa. Tikaita mushandirapamwe, tofamba tose tichiridza munzvimbo dzakasiyana, tichitaura neizwi rimwe chete kuti zvinodhaka zvakashata, zvinogona kubatsira kushandura maitiro evechidiki,” anodaro.

Kubva atanga zvekuimba, HD akwanisa kutsikisa madambarefu matatu anoti Uncle Sam, Baba Munenge Rombe uye HD The Album.

Mumasvondo anotevera, muimbi uyu achaparura dambarefu rake idzva rechina rinonzi MaRecovery iro richange riine kambo Dzinza Rapera nedzimwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>