Hesi kabhebhi

02 Sep, 2015 - 14:09 0 Views

Kwayedza

KANA uri musikana ukakwaziswa uchinzi, “Hesi kabhebhi!” unopindura uchiti kudii? Kunzi kabhebhi kudiwa here? Ko muganhu wekutamba nerudo unoperera papi? Ko kana ukanzi kabhebhi zvinoreva kuti uri kudiwa here? Ko kudiwa kwekudhakwa nekudiwa kunosvitsa musvitsa unokuziva sei?

Munhu anokuda unomuona nekumuziva sei? Ko kana rudo rwuri bofu, sei vanhu vachizorambana? Ko kana rudo rwuri bofu, vacho vanorambana vanenge vazoona chirudzii, uye chii chinenge chazovasvinudza?

Kana vachinge vasvinura, chii chavanenge vaona chinotyisa zvekupindurudza chaimbove chipunu chinopakura nhindi dzemazirudo kuti chive forogo inobaya mwoyo uchisara wabooka-booka? Iwo mwoyo unodirei kutungamira nyaya dzerudo usina maziso kana pfungwa?

Rudo imhepo inovhuvhuta, inokumba marara, inotosvora, inosvibisa nekubvanyangura. Kana yapfuura, yaenda munosara mave kurangarira zvinhu sezvazvanga zviri mhepo isati yafamba.

Mainini vangu vakadanana nemukomana ane rudo rwunotosvora kunge jecha. Muchinda wavo vaimuda nyangwe akanga asina kuvaroora. Muchinda wavo akavaberekesa vana vazhinji kwazvo – vana vatanhatu vachiuya vakadungamidzana kunge vanhu vari kuburuka mukombi yafa.

Vana vachizvarwa zvenharo, muchinda akatanga kurwara achizvirapa. Akatanga kutsvaga kunzwirwa tsitsi nekutaura kuti akaroyiwa.

Asika, nyaya yaivepo ndeyekuti akanga apinda mumunda wevaridzi usina fenzi akanodya. Asi paakanga achidya, akanga achiita segava rakafunga kuti rawana nyama, asi iro rabata muswe waro. Rakati ratsenga muswe waro richiimba nekunakirwa, rakazoshamisika razvidya muswe, makumbo eshure nedumbu. Parakazomira raona kurasika kwaro rakanga rapera basa.

Muchinda akapembera nenyika achinzvenga kuenda panzvimbo yaaiziva mumwoyo make kuti yakanga ichimushevedza kuti imubatsire. Ainzvenga nekunyenyeredza kiriniki. Asi paakanga ave kunzwa kuti chirwere chave kupotsera matombo muropa rake zvekuti rakanga rave kurumira, akaenda ega kunoona varapi kuchipatara.

Havana kupedza nguva, nekuti ndiro basa ravo rekudzimura moto usati wapedza sango. Vakamuongorora ropa, vakariwana riri kumakubukasva.

Ichokwadi chamukwenjere chakakanga chakoromoka. Vakamuudza kuti kana akasimba kutevedzera kudya nekunwa mapiritsi aizorarama akatokanganwa kuti akamborwara. Asi vakati auye nemudzimai wake, iye akati mudzimai akafa.

Kumba mudzimai akanga achinetseka nehutano hwemurume wake. Asi haana kuziva kuti nhunzi yakanga yapfeka sutu ikaenda kudanga rine madhaka endove.

Kana anokuda akarega kukuudza kuti akabatwa kuti ane HIV, anokuda here? Ko kana ukazoita zvekuziva wega kuti mumwe wangu ari kunwa mapiritsi, ari kuzviraramisa asingandiudzewo kuti neni ndigone kuwana kurarama, zvinorevei?

Mukadzi akagara kwegore, aine munhu ari kunzvenga nehupenyu kunge bhora. Ratozovewo rimwe zuva, mukadzi ndipo paakasangana neguchu nemapepa ekuchipatara. Akave mariro mufunge. Kuchekwa nebanga rakagomhara chaiko.

Hama dzemurume dzakamuita mukomberanwa garira nekoko. Vakati nyaya dzemusha hadzitaurwe. Murume achiona hutsinye hwake zvahwakanga hwakonzera, haana kuzoona mazuva mazhinji. Injini yakadzimwa, rwendo rwukazorora.

Hausi munyama kuti tiri kufira nyama inoora. Kana mave murume nemukadzi, baba ngavave baba vanoda mukadzi wavo vachimurwira kubva kurufu. Kuzvitutumadza nekuzvikudza kwedu kunoputika sechibharuma chagutisa mweya.

Ko kana ndikakupa mari, basa, mota nevana – ndizvo here zvinoratidza kuti ndinokuda?

Rudo chairwo harwuna mazino anenge embwa. Rudo chairwo rwunotaura chokwadi. Vamwe vanhu vari kufa havafanirwe kunge vachifa vakachenama. Varume idai vakadzi venyu sekuda kwakaita Jesu Kristu chechi.

Share This:

Sponsored Links