Hurumende yorumbidza Irvine’s

03 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
Hurumende yorumbidza Irvine’s Dr Sekesai Nzenza vaina VaDavid J. Irvine.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

Gurukota remaindasitiri nekutengeserana Dr Sekesai Nzenza nemusi weMuvhuro uno vakarumbidza zvikuru kambani huru mubhizimusi rekuchengetwa kwehuku nemazai yeIrvine’s Zimbabwe Private Limited Company pakufambirana neruzivo rwechizvino-zvino mubasa rayo izvo zviri kuona ichibura $1,7 biriyoni pagore kubva kuvarimi  vadiki vakatekeshera nenyika.

Dr Nzenza vakayemura kambani iyi mushure mekuishanyira nekumema chikoro chakavakirwa vana vevashandi cheDerbyshire Primary School, kiriniki uye bhizimusi rekuchengeta huku, mazai nekugadzirwa kwechikafu chehuku izvo zvose zvinoitirwa pamuzinda weIrvine’s uyu.

Kambani iyi ine vashandi vanodarika 2 000 uye inobura chikamu che50 percent chenhiyo munyika muno.

“Tinokurudzira vemakambani akasiyana munyika muno kuti vafambirane neruzivo rwechizvino-zvino nekuti rwunoita kuti basa rive nyore sezvatiri kuona pakambani ino. Kana tikakundikana kufambirana neruzivo rutsva, tinoona maindasitiri edu achiparara,” vanodaro.

Kambani yeIrvine’s yakavambwa kuma1950s uye ine chinangwa chekuramba ichisimukira munyaya dzeruzivo senzira yekuzadzikisa zvinangwa zvebudiriro zvenyika zveVision 2030.

Dr Nzenza vanoti Irvine’s iri kusimudzira nyaya dzekurima muZimbabwe uye kutsigira vashandi vayo kuburikidza nekuvawanisa pekugara pakanaka, utano nedzidzo yevana.

“Taona zvivakwa zvakakura uye zvemhando yepamusoro. Taona dzimba 29 dzevashandi vepamusoro, 17 dzevashandi dziri kuDerbshire dzine makamuri mashanu ne12 dziri muLanark Farm. Kureva kuti pano pane dzimba dzavashandi dzakawanda dzine magetsi, mvura nesuweji inofamba zvakanaka. Tadzidza nezvekukosha kwekuchengetedzwa kwevashandi pano. Kana mushandi akatsigirwa nenzira iyi, mabasa ese tinoona achiendeka zvakanaka nekuti anoshanda asina kushungurudzika mupfungwa,” vanodaro.

Chamangwiza wekambani iyi, VaDavid J. Irvine, vanoti vakazvipira kutsigira varimi vari munharaunda apo vanovatengesera nhiyo dzekupfuya, mazai ekudya kwemhuri kana kutengesa, chikafu chehuku, nyama yehuku pamwe nekuvawanisa ruzivo maringe nemachengeterwo ehuku.

“Kambani yedu yakavambwa kuma1950s uye tinobura nhiyo 2 miriyoni pasvondo idzo tinotengesera muZimbabwe, Mozambique, Botswana neTanzania kunova kwakatekeshera mabhizimusi edu. Chinangwa chedu ndechekuti vanhu vawane mapuroteni kubva muhuku nenyama yehuku tichizadzikisa zvido zvevanhu,” vanodaro.

Vanoti chikamu che35 percent chenhiyo dzavo chiri kuvarimi vari pasi pechirongwa chemakondirakiti apo chimwe chikamu che65 percent vachichitengesera kuvarimi vadiki kumaruwa avo vanodzichengeta vachizotengesa munyika muno.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>