Hwindi wechidzimai ava nedzimba 3

17 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
Hwindi wechidzimai ava nedzimba 3 Mai Chikwava

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI akaroorwa uyo anova hwindi kumabhazi ekuMbare muHarare, anoti hakuna basa rinofanirwa kunzi nderechirume kana kuti rechidzimai uye akwanisa kuvakisa dzimba nhatu kuburikidza nebasa iri.

Mai Shupikai Chikwava (49), avo vanogara kuEpworth uye kumusha vachibva kwaMombeyarara kudunhu raMambo Makumbe, kuBuhera, vanoti vari kukwanisa kuriritira mhuri yavo vachibatsirana nemurume wavo nekuda kwebasa rechihwindi.

Mudzimai uyu anova hwindi kukambani yeZUPCO anoti akapinda basa iri mugore ra2000 uye aimbotengesa tambo, rekeni nemamight marker pamusika weMbare.

“Ndakapinda basa nemusi wa15 Zvita mugore ra2000. Ndakatanga ndichienda nebhazi kuChivhu kunosvika kuBuhera kwaMurambinda ndichinodarikira kuChomumvuri. Ipapo, ndaitokwira pakeriya tichikwidza nekuburutsa zvinhu pamusoro pebhazi sezvinoitwa nevarume,” vanodaro Mai Chikwava.

Chikwava achishevedzera bhazi

Vanoti vanhu vanokwira mabhazi vanovimba nemahwindi echidzimai kudarika vechirume sezvo vachinzi havana chitsotsi.

“Semunhu ashandirawo kambani huru yemunyika muno yemaZUPCO kwemakore akawanda, ndinotarisirawo kusimudzirwa ndiwanewo pakareruka pekushandira nekuti makore (angu) afamba. Chikumbiro ichi kana vakuru vakachinzwawo, asi ndinotenda nekuwaniswa basa,” vanodaro Mai Chikwava.

Mudzimai uyu akaroorwa naVaNoah Mandeya avo vave pamudyandigere.

“Murume wangu aimbonzwa shanje achifunga kuti ndingaite zvehunzenza nevamwe varume vekubasa tikazopedzisira tawirirana. Hongu, dambudziko pose panoshandira madzimai nevarume riripo rekuti kune varume vanoda kupfimba mudzimai wose waaona asi semunhukadzi, unotosimba kuzvibata nekuramba nekuti pfambi dzechirume dzirikowo veduwee. Iroro dambudziko tinosangana naro uye ndinovataurira pachena kuti wangu murume mumwe chete ari kumba, kwete kuitwa bvoroza, unosekwa ndiwe mukadzi,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti ane vana vapfumbamwe nemurume wake.

“Ndakapinda mumba ndiine makore 14 ekuberekwa. Izvozvi ndayarutsa mumwe wevana vangu mukomana mupurisa kuZRP kuBulawayo, ndasarirwa kumba nemapatya nevamwe vanoita mabasa akasiyana.
“Kubva muchihwindi, ndakwanisa kuvaka dzimba dzangu nhatu dzinoti kuEpworth kwandinogara, kuBudiriro 2, nekuWaterfalls,” vanodaro Mai Chikwava.

Mudzimai uyu anoti anotanga basa nenguva dza5 mangwanani sezvo bhazi raanoshandira richibuda pamusika na6:30 mangwanani, achizoshevedzera rimwe rechipiri rinobuda mumusika nenguva dza1 masikati.

“Ndinokurudzira mamwe madzimai kushandisa mawoko uyewo vorega kusarudza mabasa. Zvakanaka kubatsirana nevarume vedu mudzimba kuita mabasa akasiyana uyewo nekuita mikando nemamwe madzimai nekukanda mari mumagaba. Izvozvi ndinochengeta huku dzemabroilers pamba pedu,” vanodaro Mai Chikwava.

Mudzimai uyu anoti ane shungu dzekutorawo chitambi chekutyaira motokari cheClass One kuti azokwanisawo kutyaira mabhazi eZUPCO.

Share This:

Sponsored Links