Imbonzwa tsunga ine dovi

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Imbonzwa tsunga ine dovi Tsunga ine dovi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

TSUNGA ine dovi mudya ndakasungwa uye unokwanisa kupedza nayo mukonde wesadza kuti tsvai.

Svondo rino Shylet Reururai wekuZvishavane anotitsanangurira mamwe mabikirwo etsunga zvemhando yepamusoro.

Zvinodiwa:
Chikari, poto kana pani, mugoti, chipunu, muriwo wetsunga, hanyanisi, matomatisi nemunyu.

Mabikiro:
Geza hanyanisi nematomatisi wocheka kuita zvidimbu zvidiki.
Geza muriwo uchene.

Uchekerere, wokanda matomatisi nehanyanisi dzawacheka.
Gadza chikari woisa munyu nemafuta mashoma.

Siya zvikwate kwemaminitsi gumi wokurungira dovi. Kana waibva unosara wakorerera.Munogona kudya nesadza remhunga, rezviyo kana rechibage uye uku kudya kwechivanhu kunovaka muviri.

Share This:

Sponsored Links