IMBWA HAIHUKURE SADZA: Kombi yezvifeve yasvika

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
IMBWA HAIHUKURE SADZA: Kombi yezvifeve yasvika

Kwayedza

HANDIFARIRE kutambudzika kwevanhu, imbwa kana kiti. Ndichikura ambuya vangu vaitozviziva kuti ndakanga ndisingade zvekucheka huku. Kana vamwe pavaifamba vakakochekera rekeni dzavo muhuro, ini zvaisandiitira zvakanaka kuona shiri yanga ichizviimbira iri mumuti yadamburwa musoro nedombo.

Kana kuona hwiza dzabatwa, dzabviswa makumbo nemapapiro zvaiita kuti ndisarudze zvangu kudya sadza nemukaka.

Pazvinhu zvakasikwa naMwari, chandisingade chete inyoka, zviny’avada, nhunzi, mapete nemakonzo. Kana dziri nhunzi, mapete nemakonzo ndakazvivengera kuti zvinodya, zvichiparadza zvekudya nekuparadzira zvirwere. Dai pasina izvozvo, kana vaye vari kuita basa rekutengesa mishonga yemapete nemakonzo ndingadai ndakanetsana navo kare.

Chimwe chinhu chandisingade kungosungwa kwevanhu vasina mhosva, vari kungozvifambirawo zvavo. Handidi kuti vangosungwa sekunonzi imbavha nemhondi, nekuti kusungwa kunenge poto iri kubvinza, kunodzima moto nekuita kuti vanhu varare nenzara.

Izvi ndizvo zvinoita kuti ndivenge kusungwa kwevanhu nekuda kwekuti vaonekwa vakapfeka madhirezi mapfupi, vobva vatofungirwa kuti ipfambi.

Imwe shamwari yangu yakambosungwa muHarare imomu ichifamba nemurume wayo. Mapurisa akatarisa dhirezi rake, achibva ati rakanyanya kupfupika. Nyangwe murume wake paakaedza kuti, “Kwete, zvechokwadi mudzimai wangu,” mapurisa akabva amusungawo akati ndiwe wanga watowirirana kunoita bonde namai ava. Kubva ipapo, ndakaona kuti shamwari yangu iyi yave kupfeka hembe refu dzinotsvaira pasi, pamwe chete nematirauzi.

Kusungwa kunovhiringidza. Kutonhora nekuruma kunoita simbi dzemapurisa mumaoko kunodederesa. Kugariswa pasi panotonhora mucharge office uchiudzwa kuti musungwa haataure kusvikira ataudzwa kunobvisa hunhu nechimiro kunge bhanana riri kumenywa nemunhu asina nzara. Unoshaya kuti chaamborimenyera chii.

Neniwo ndinobvumirana nemaonero ekuti hazvina kunaka kuti vanhukadzi vasungwe nekuda kwekuti mapurisa angotarisa mapfekero avo, achibva atoti ipfambi. MuchiShona zvinonzi, “Mbavha ndembati, guhwa harivake musha.” Izvi zvinoreva kuti munhu ane mhosva, ndiye uye abatwa achiba.

Asi, nyangwe zvangu ndisingade zvese zvekusungwa nekudamburwa kwemufaro wevanhu, kunyanya vanhukadzi, chokwadi chiripo ndechekuti handifarire chipfambi.

Handifarire chipfambi senzira yekupedza matambudziko nenhamo. Chipfambi hachina kutanga nezuro, asi handichide nekuti chinochipisa, kurerutsa nekuita kuti vanhukadzi vaite sekuti mabhodhoro apera doro remasese akasiya angokandwa pese pese nezvidhakwa. Rimwe rematare edu rakati hazvichabvumirwa kuti mapurisa angofamba achisunga vakadzi vanenge vachizvifambirawo zvavo vakapfeka mamini siketi avo vachivapomera kuita chipfambi. Kubva pakataurwa izvi, pfambi muHarare dzabva dzanyatsobuda kunge ishwa.

Fambai naThird Street muchibva munaHerbert Chitepo makananga kuna Josian Tongogara. Ikoko muchaona pfambi dzichikuchekai nemaziso rakacheka nyika. Muchaona pfambi dzakagara dzakashamira kunge garwe rakazambira pamushana.

Takakura tichiziva kuti chinovanzwa huroyi, asi uhurudza hauvigike. Zvino mutemo wave kupa vana vevanhu kunyatsotsvaga mari nemiviri vakasununguka. Chinonetsa ndechekuti chipfambi hachisi basa nekuti harisi basa.

Mungangoti mumwe nemumwe anoita zvaanoda nemuviri wake, asi chipfambi chakarambidzwa naMwari. Kuna Revhitiko kune mirairo yezvinhu zvisingatenderwi. Ikoko kwakanzi, “Usanyadzisa mwanasikana wako nekumuita kuti ave chifeve, nekuti nyika yese ingazozara nehufeve nehuipi.”

Kuna Deuteronomio kuchibva kwanzi, “Haufaniri kuuya nemari yechifeve, kana mutengo wembwa . . .”

Chipfambi chinoshora pfungwa yaMwari yebonde. Chipfambi chinoita kuti bonde riite sekombi isingasiye munhu. Chipfambi chinobvisa kuzvipira kunofanira kuita vanhu kuwanano. Kana munhu akaita bonde newaasina kuroorana naye, anenge atsika Mwari konzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>