‘Imimi kuita amai vangu? Handikuzivei ini’

19 Mar, 2024 - 17:03 0 Views
‘Imimi kuita amai vangu? Handikuzivei ini’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME anogara kuCrowborough, muHarare, akakatyamadza vanhu vaive mudare reHarare Civil Court mushure mekunge aramba amai vake achiti haana kana hukama navo uye aisavaziva.

Eunice Mubvura akaendesa mwanakomana wake, Greatmore Nguwaya, kudare iri achiti ane tsika yekumurova nekumunongedzera nebanga achimuudza kuti anoda kumuuraya uye izvi zviri kukonzerwa nekutora zvinodhaka kwaari kuita.

“Ndinokumbirawo dare kuti dai mwana uyu abva hake pamba pangu aenda kunogara kwake ega nekuti ndave kutyira upenyu hwangu,” anodaro Mubvura.

Achipawo divi rake, Nguwaya anoti hapana kana chaari kuziva nezvenyaya iyi uye haatoziva Mubvura.

Zvisinei, akashaya pekupinda apo akazobvuma kuti Mubvura ndaamai vake mushure mekunge audzwa nedare kuti ndizvo zviri mumagwaro.

Akambonzi agare pasi nekuti aida kunyepera kuzungaira pamberi pedare apo akabvunza kuti yaimbove nyaya yei yaita kuti amiswe mudare asi iye akabata magwaro acho mumaoko.

Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Mubvura gwaro redziviriro ndokuudza Nguwaya kuti anofanirwa kubva pamba paamai vake panosvika musi we21 Kurume.

Share This:

Sponsored Links