Isai fetireza: ZFU

14 Jan, 2021 - 13:01 0 Views
Isai fetireza: ZFU VaPaul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) riri kukurudzira varimi kuti vashandise mukana wemvura iri kunaya kunzvimbo dzakawanda dzenyika kuisa mafetireza epamusoro kuti zvirimwa zvavo zvirege kunyukurwa.

VaPaul Zakariya, avo vanova mukuru weZFU, vanoti nyika yose mvura iri kunaya zvakanaka. “Kwemasvondo mana adarika, mvura iri kunaya kumatunhu ose enyika zvinova zvakanakira isu varimi. Zvirimwa zvakabuda pasina mbeu dzakasarira pasi uye vazhinji takadyara nefetireza yepasi zviri kuita kuti zvirimwa zvedu zvikure zvakanaka,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti zvakakosha kuti varimi vashandise fetireza yepamusoro zvizere kuti vafambirane nekunaya kuri kuita mvura.

“Varimi vazhinji vakabatsirwa zvikuru nechirongwa cheHurumende chekuwaniswa mbeu nemafetiraiza chePfumvudza nekudaro ngavatore mukana wekunaya kuri kuita mvura yakawanda vaise fetireza yepamusoro muzvirimwa zvavo,” vanodaro VaZakariya.

Vanoenderera mberi: “Sevarimi tava kufanirwa kuisa fetireza yepamusoro nemwero inokurudzirwa nevarimisi nekuti mvura iri kunaya inokwanirana uye imwe yacho ichitodarikidza. Kuvarimi vari mumatoro, zvinhu zvava kuda kutoipa sezvo zvimwe zvirimwa zvava kutonyukurwa nekuda kwekuwanda kwemvura.”

Vanokurudzirawo varimi vanokwanisa kuti vashandise mishonga yekuuraya sora muzvirimwa zvavo.
“Mazuva ano tine mishonga yekuuraya sora yatinogona kushandisa muminda yedu inova nzira yakareruka. Asi tinofanirwa kutevedza nzira chaidzo dzinokurudzirwa nevarimisi kuti tisazopisa zvirimwa zvedu toguma tarasikirwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>