‘Itai mari nechibage chemuchirimo’

02 Nov, 2022 - 14:11 0 Views
‘Itai mari nechibage chemuchirimo’ Mai Chisoko (vane nguwani) naVaChisoko (kurudyi) vachitsanangudza mafambiro ebasa papurazi ravo.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vane madiridziro vari kukurudzirwa kurima chibage chemuchirimo nezvimwe zvirimwa zvinochimbidza kuibva kuitira kuti vawane pundutso pamwe nekuvandudza mabasa avo.

Kurudziro iyi yaitwa naMai Junior Chisoko avo vanorima nemurume wavo, VaGeorge Chisoko, papurazi reSatchel riri kuGlendale, kuMazowe, kudunhu reMashonaland Central. Nguva pfupi yadarika, papurazi apa pakaitwa gungano revarimi nevarimisi avo vaimema gorosi iro ravakarima zvinonwisa mvura.

Mai Chisoko, avo vanova director papurazi iri, vanoti pamusoro pekurima zvirimwa zvinosanganisira gorosi, mbatatisi, soya bhinzi nesugar bhinzi, vakarimawo mahekita matatu echibage chekudya chiri chinyoro.

“Igaroziva kuti patinokohwa zvimwe zvirimwa mumunda wedu uyo wakakura mahekita 29, tinobva tarima chibage chemuchirimo icho chatinodiridzira. Izvozvi chibage chedu chava kutoda kutumbuka muchekechera kureva kuti pamwedzi watapinda uno (Mbudzi) tinenge tava kutarisira kuchidya,” vanodaro Mai Chisoko.

Vanoti dambudziko ravanombosangana naro kudzimwa-dzimwa kwemagetsi uko kunokanganisa kudiridzwa kwechibage ichi nezvimwe zvirimwa zvavo zvemuchirimo.

“Rimwe dambudziko rinosanganikwa naro mukurima chibage chemuchirimo inyaya yerukonye nekudaro chinoda kugara chichimwaiwa mushonga werukonye kubva chichimera kusvikira chaburitsa muchekechera uye chapakata vana, woziva kuti wayambuka,” vanodaro.

Mai Chisoko vanoti vachibatsirana naVaChisoko, basa ravo riri kufambira mberi zvakanaka pasina matambudziko makuru sezvo vachipanana mazano.

“Panguva yatinopedza kutengesa chibage chinyoro ichi, tinobva tapindura munda uyu todyara zvirimwa zvemuZhizha. Chionai denga rava kuratidza kuti mvura yava pedyo kunaya, kureva kuti ivhu rinoramba richipa murimi mari nguva nenguva ndokunge ukarishandisa zvakanaka,” vanodaro Mai Chisoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>