Kambo keCyclone Idai kakaburwa

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Kambo keCyclone Idai kakaburwa Ziggie Humphrey

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI wenziyo dzechitendero Ziggie Humphrey — uyo vazhinji vanoziva saZiggie The Crusader —akaburitsa kambo kekurangarira vanhu vakasangana nenjodzi yemafashamu emvura yaive nedutumupengo yeTropical Cyclone Idai.

Kambo aka kanonzi ‘Zimbabwe Tachema’ uye kanotaura pamusoro pedambudziko rakawira nyika yose zvichetevera kufa kwakaita vamwe vanhu munjodzi iyi nekuparadzwa kwakaitwa zvivakwa zvakasiyana.

Achitaura neKwayedza, Ziggie The Crusader anoti akabatikana zvikuru nekuparadzwa kwakaitwa nemafashamu uyu.
“Mwoyo yedu tose senyika takarwadziwa nekuda kwemafashamu eCyclone Idai, saka ndakatsikisa kambo Zimbabwe Tachema kuti kabatsire kunyaradza mhuri dzakasangana nedambudziko iri. Uyu munamato kune tenzi wedu kuti vatinyaradze senyika nekuda kwedambudziko iri rakatiwira.

“Harisi dambudziko revanhu vakawirwa nemafashamu aya chete asi idambudziko redu tose senyika yose,” anodaro.
Anoti mari yese ichawanikwa pakutengeswa kwekambo kake aka achaiendesa kunobatsira mhuri dzakawirwa nenjodzi iyi.

Vamwe vaimbi vakakwanisa kubudzitsa nziyo dzeCyclone Idai vanosanganisira Shuramurove uyo akatsikisa kambo kanonzi ‘Mafashamu emvura’.

Vaimbi vemisambo yakasiyana vakabatana zvakare mukuunganidza zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira hembe nechikafu izvo vakapa vanhu vakasangana nenjodzi yemafashamu aya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>