Kana muchiti kikikiki

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
HUMWE huranda hunonetsa nekuti vari mahuri vanohuda. Mazuva ano vechidiki vave nedambudziko rekuita zvavanoita — chikoro, basa, nyaya kana kudya chaiko vachingoti dai ndamboenda pafoni pangu, paWhatsApp, Facebook kana kungonoona maStatus evanhu kuti ari kuti chii.

Mumwe musikana anotengesa mune chimwe chitoro akazoburana nevamwe amai vaaifanirwa kupa chenji yavo.

Panzvimbo yekuvapa chenji, akatanga zvake kutsvaira foni yake nekupindura message yakanga yapinda iyo kasitoma yakamirira chenji. Panzvimbo yekuti akumbire ruregerero, akapindura pfocho achiti, “Handingaiginowe foni yangu kana yapinda message.”

Tiri kurarama mumazuva etekinoloji, ekulaika, kutexta nekutumidzirana mapikicha nemavhidhiyo. Zvechokwadi foni dziri kukonzeresa!

Foni ndidzo dzave nebasa rekunakidza, makuhwa, kusvibisa vamwe nekumhanyisa mapikicha nemavhidhiyo evanhu vasina kupfeka, zvehuchapa netsvina. Foni dzevanhu dzakatakura zvinhu zvinonhuhwa, zvinosemesa nekunyangadza.

Zvishoma zviri mumafoni zvinoita kuti tiratidze amai vakatibereka. Foni idzodzi dzave kutipa kuti pfungwa dzedu dzibve pazvinhu zvine hunhu, zvinovaka, zvakanaka nezvinobatsira. Pfungwa dzedu ndidzo dzave ndiro dziri kupakurirwa tsvina.

Zvino kana pfungwa dzedu dzikapakurirwa tsvina, dzingazoita pfungwa dzakachena dzisinganhuhwe here? Kusaona nhunzi dzichitenderera patiri hazvireve kuti tsvina iri mupfungwa dzedu haisi kunhuhwa. Inotonhuhwa zvinouraya nhunzi!

Kana ukatarisa mukombi chaimo, unoona vanhu vachingobaya-baya nekutsvaira tsvaira foni dzavo. Vamwe vanenge vakabairira maearphones munzeve. Vamwewo ndivo vanokumbira dhiraivha kuti ambodzikisa volume yeredhiyo kuti vataure pafoni yavo pamusoro pezvinhu zvavo mukombi yakazara vanhu vavasingazive, vasinei nezvinhu zvavo.

Kana ndikatarisa foni yangu husiku, ndinoshamisika nevanhu vandinoona vari online. Ndinoshaya kuti zvii zvakakosha kudarika kuzorora zvisingagone kumira kuti kunze kuyedze. Saka ndave kurara ndakadzima foni yangu.

Pane mamwe magroup andakatobuda maari nekukurumidza nekuti ndakaona kuti haana chaari kundibatsira kunze kwekundikanganisa runyararo rwangu. Pano nepapo unonzwa foni yachema. Uchinotarisa kudai, unongoona mumwe munhu achiti kikikiki.

Mumwewo obva atevedzera kuti kikikiki. Pakupedzisira, unoita mamessage gumi ari kungoti kikikiki. Unobva watoona kuti kune vanhu vasina zvekuita nenguva yavo, kikikiki!

Kwandiri, foni idzi dzinokurudzira nungo. Kana vanhu vachitadza kuita basa nekuda kwekungoti kikikiki, nyangwe nemuchechi kikikiki, nyangwe nepanhamo kikikiki, unoona kuti kushaya musoro kwedu kwanyanya.

Musikana wedu ndakazomuudza kuti haungabike sadza rikaibva uri paWhatsApp. Ipapo aiti akaisa hupfu mupoto, panzvimbo yekuti amone sadza, aibva atora foni yake inenge yapinda message otanga kubaya-baya. Nguva yose iyoyo mugoti nehupfu zvinenge zviri mupoto zvakamumirira.

Panzvimbo yekuti tishandise mafoni, mafoni ndiwo ave kutishandisa. Panzvimbo yekuti tishandise pfungwa dzedu kushandisa mafoni, pfungwa dzedu dzave kuwachiswa nemafoni.

Tiri kupedza nguva yakawanda tichinyora mamessage, tichida kuratidza vamwe kuti hatiite, uye kuti vamwe ivava vagotibhiga. PaWhatsApp neFacebook zvinoita sekuti munhu wese haaite, akapenga! Asi kunyepa kwese ikoko. Vazhinji vedu tine nhamo, hatina mari nemabasa.

Chinokutorera nguva yako chinokutonga. Chinokutambudza kana ukachitorerwa kana kuchishaya chinoda kuchenjererwa. Mazuva ano foni dziri kuuraya vanhu, hukama, hunhu nepfungwa.

Foni dzinotipa manyemwe asi dzinotipawo mweya yedu zvirwere. Mwari vanoziva hunzenza hwedu, saka vakazoti, “Usava nevamwe vamwari kunze kwangu.” Foni, Facebook, WhatsApp twumwari twusina rudo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>