Kuchengetedzwa kwemidziyo yekurimisa

18 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
Kuchengetedzwa kwemidziyo yekurimisa

Kwayedza

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
MIDZIYO (machinery and implements) inodhura kutenga asi inozodhurisisa kana tikatadza kuibata zvakanaka.

Tichatenga zvekugadzirisa zvinodhura, pamwe zvisina kusimba, makanika anogadzira anoda kubhadharwa, kanazvaramba tichazomanikidzwa kutenga mimwe mitswa, zvotozonyanya kudhura.

Kurima kunoda kuitwa nehuchenjeri kuitira kuti tisangoburitsa mari nepaisingafaniri kunge ichibuda.

Kuti tikwanise kugona izvi zvinoda kushandiswa nevanhu vane rudo, hanya, tsitsi, ruziwo, kuregerera nezvimwe zvakawanda zvamunofunga kuti imi sevanhu munoshuwirwawo kuitirwa nevamwe venyu.

Midziyo yakangofanana nesu vanhu pamwepo nezvipfuyo kuti zvinoda kuchengetedzwa zvakanaka zvichigezeswawo zvose nekuzorwa mafuta, muchizvidawo sekuda kudiwawo kwamunoita. Tikadaro midziyo yedu inotidzorera mari kwemakore akawandisa.

Chekutanga midziyo inofanirwa kuvakirwa imba yekuti isagare muzuva kana mumvura nekuchengetedza kuti isabiwe.

Imba iyi inofanirwa kuita denga rakasimba, ichitonhorera nekufefetera, isingapinde mvura kana zuva zvekare iine huriri (floor) hwakasimba.

Inoda simende isingajengi mvura nekuitawo chiedza, kunyanya manheru.

Imba iyi ndeye midziyo mihombe asi yemidziyo miduku inodawo imba yakanaka uye yakasimba iine musiwo unokiwa kuitira kuchengetedza midziyo.

Mudziyo kana uchinge wafa ngaugadziriswe ipapo ipapo usati wafa zvakawanda zvinozokonzeresa kuti usasogadzirwa zvachose nekuti zvinenge zvava kudhura. Midziyo mikuru inoshandisa mabearings anoda kugara achiiswa girizi nekupota achichinjwa kana nguva yacho yasvika.

Musaregere mabearings kusvika afira pamuchina, izvi zvinozodhura kugadzirisa.

Midziyo inofanirwa kugezwa kupera kwezuva rega-rega kuitira kuti irare zvakanaka yakachena ichimirira kutanga basa remangwana yakasimba.

Inofanirwa kuti kana mwaka uchinge wapera inogezwa yozorwa oiri yakashandiswa (used oil) kuitira kuti isaite ngura kunyanya pamabhaudhi nepane simbi dziri pachena, yobva yachengetedzwa mumba.

Tarakita inosungirwa kugezwa zuva rega-rega kana ichinge yapedza basa iye ngairara yaiswa mafuta (diesel) nokuti pakurara inoita dova rinozopa kuti mumafuta mozoita mvura tarakita yotadza kufamba zvakanaka.

Mweya ngauve wakakwana mumavhiri nguva dzese.

Tarakita ngadzishande basa radzinofanirwa kuita nokuti kufamba kwetirakita kunenge kuchitodya mari.

Saka murimi anoenda kubhawa netarakita anenge achitodya mari yeporofiti.

Bhatiri nemvura zvinofanirwa kutariswa nguva nenguva. Tarakita ine maburi anoiswa girizi (grease) kamwe chete kana kaviri pamwedzi kana ichiita basa rinorema. Inofanirwa kugara mugaraji.

Kurima tichingobva mukukohwa kunobatsiri zvikuru kuti midziyo nemichina yatinoshandisa mumabasa epapurazi igare kwenguva yakareba isingafi zvisina maturo.

MAKWIKWI:

Mubvunzo wechinyorwa chino:

Tinozorerei midziyo yatinoshandisa mafuta kunge munhu.

Pindurirai mhinduro pafomu riri pazasi motevedza zvose zvinodiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>