ZVIRI MUGAPU: Mamwe makangirwo ematemba

20 Oct, 2023 - 00:10 0 Views
ZVIRI MUGAPU: Mamwe makangirwo ematemba

Kwayedza

naMuchaneta Chimuka

MATEMBA kudya kunovaka muviri sezvo tichiwana mapuroteni neiron inobatsira pakuwedzera ropa mumuviri.

Gibson Munyama wekuGlen Norah, muguta reHarare, anotsanangura mamwe makangirwo ematemba zvemhando yepamusoro.

Zvinodiwa:

Matemba, mafuta, munyu, hanyanisi, madomasi, pani kana poto.

Mabikiro:

Fashaidza mvura mupoto.

Nyika matemba imomo kwemaminitsi mashanu.

Nyurura matemba uchiageza kuti achene.

Kanga hanyanisi mupani nemafuta mashoma.

Cheka madomasi wokanda kugadzira muto.

Kana waibva, chikanda matemba wosiya zvichikwata kwemaminitsi mashanu.

Isa munyu wakaringana.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura udye nehama neshamwari.

Matemba anodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana nemupunga.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhare dzinoti: +263 773 394 753 kana +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links