Kugadzirira kukohwa zvirimwa

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Kugadzirira kukohwa zvirimwa

Kwayedza

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
ZVIRIMWA zvinonzi zvaibva kana zvichinge zvabviswa mumunda. Zvakangofanana nemwana wenyu, munomuriritira kusvikira mamurumura kana kuti ayaruka, abva pamusha penyu.

Kuti zvirimwa zvisazonetse kukohwa, murimi anofanira kugadzirira munda, pekuchengetera gohwo, kwekutengesera, mitengo yacho nezvimwewo zvakadaro.

Imba yekuchengetera gohwo inofanira kunge yagadzirwa ichimirira kuti zvirimwa zvipinde. Inofanira kunge iine denga rakanaka, huriri (floor) nemadziro zvakanaka zvisina mitswe uye madziro acho akapendwa neruvara rwuchena. Mumba umu munofanira kunge makaoma, muchitonhorera pamwe nekufefetera zvekare musina makonzo.

Imba iyi inoda kuchengetedzwa kumbavha. Isai matanda akasumuka kubva pahuriri ayo anonzi mapallets. Masaga ekurongedzera nemishonga kana mapiritsi ekuuraya tupembenene sezvipfukuto ne”gonyeti” – chipfukuto chihombe (large grain borer) anofanira kutengwa nguwa iripo.

Zivai kuti kana musina michina yekukohwesa (combine harvestor) mofanotoura neavo vanayo kuitira kuti pamunongoona kuti mava kuda kukohwa, mobva mangovashevedza. Kunyanya soya beans, mukadzinonokera munozosara mopinda mumunda dzaputikira pasi.

Asi kana muine muchina wenyu, onai kuti wagadziriswa kana paine zvimwe zvisiri kushanda uyezve mobva maita kuti muchina uyu usevhiswe (service). Kana muchishandisa tarakita, ngoro ichadhonzwa inofanira kugadzirwa marutivi (sides) kuitira kuti itakure zvakawanda uye musapedza nguva muchipinda nekubuda mumunda. Itai kuti mutsara kana kuti raini (line) repakati iro rinotanangirwa netarakita rigarwe rabviswa kuitira kuti zvisazononotsa kukohwa.

Kana paine chibage chakapunzwa nemuchenje, ngachigare chanhongwa kuitira kuti musarasikirwe negohwo, nokuti hapana pamuchazoteverera kumashure muchinhonga chibage chakadonha.

Kana muchibvisa chibage chichine kahunyoro, munofanira kugadzira dara rekuomesera nguva ichiripo uye zvinhu zvamunoshandisa padara apa zvinofanira kunge zvakaoma iro morivakira pasingasvike zvipfuyo kana mhuka dzesango.

KUne vaya vanoshandisa dura, onai kuti rapendwa kana kudzururwa nendove (plastering with clay or cow dung) kuitira kuvhara mitswe inochengeta zvipfukuto netwumwewo twunodya chibage. Mobvisa zvirimwa zvitsaru mumatura kana zvichiita mozvitengesa kana kupa zvipfuyo.

Musasanginise zvamakohwa zvitsva nezvitsaru.

Minda kana iine sora inonetsa kupindwa nevanhu kana michina yekukohwesa yakaita secombine harvester. Chimbozvionai imi muchipinda mumunda une sora rine minzwa, chero sora zvaro riri munzira mamunofamba namo.

Fungai zvakare kuti mapedza kukohwa mogara pasi muchibvisa tsine pahembe dzenyu. Tsine tinoona dzichisangana nezvirimwa zvekuti munoda vanhu kana michina yekupepeta gohwo apa nguva nemari zvichibuda.

Michina yekukohwesa zvirimwa kazhinji kacho haifambise mabhemba zvakanaka kana munda uine sora, zvichidyira murimi nguva pamwe nemari. Ngatiti murimi ari kukohwa chibage nevanhu vachikanda mutarakita zvinoreva kuti vanhu vanenge vasisafambirane netarakita nekudaro mari yakawanda inobuda ichibhadhara vashandi.

Zvakakosha zvikuru kuti murimi upinde mumunda uchinokohwa zvinhu zvakakwana zvisina kukuvadzwa nemoto kana mhuka dzesango kana dzepamusha. Zvinhu zvinonakidza kukohwa kana zvichinge zvichakakwana. Ngationei kuti tagadzira nzira dzekudzivirira moto kuti usapinde mumunda.

Uyezve, mhuka dzesango nedzepamusha dzinogona kutiparadza mumunda muchisara musisina chekubata. Isai vanhu vanochengetedza minda kuitira kuti muwane gohwo rakanaka.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>