Kugona kushandisa ivhu

06 Oct, 2022 - 10:10 0 Views
Kugona kushandisa ivhu Mai Farai Mashazhu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vekuGreencroft, muHarare vanova murume nemudzimai nemhuri yavo vari kuita zvinorova munyaya dzekurima muriwo mubindu ravo.

Mai Farai Mashazhu (55) nemurume wavo, VaNgwarai Mashazhu (65), vane bindu ravanorima muriwo wavanotengesera veruzhinji pamba pavo uyewo nepanzvimbo yemabhizimisi yeGreencroft.

“Tose ini nababa takasiya mabasa ndokutanga basa rekurima bindu nekuitawo mamwe mabasa epamusha zvinotipa mari inotodarika yekuenda kubasa. Izvozvi takarima makabhiji ava kutobumba zvekuti munguva pfupi iri kutevera tinenge tave kutengesa.

“Tinosanganisa nekurima nhondo zvakare dzemuriwo nechibage chemuchirimo,” vanodaro Mai Mashazhu.

Vanoti basa ravo vanobatsirwa nevana vavo nevamwewo vashandi vavakapinza mabasa. Mhando dzemuriwo yavanorima dzinosanganisira rape netsunga.

“Kurima hakuna basa kuti munhu une munda wakakura zvakadii, isu pano nzvimbo yedu haikwane kana eka chaiyo asi tinoita zvinorova chaizvo. Tiri kurima zvine mutsindo, panotouya dzimwe nyanzvi dzekuzvikoro zvikuru nevamwewo vana vanoda kudzidza. Mvura yedu tinoshandisa yemuchibhorani kwete yekanzuru,” vanodaro Mai Mashazhu.

Vanoti vana vechikoro vari kudzidzira zvekurima vanouyawo vachibatsirana navo vachitogara pamba pavo.

“Hazvinei kuti munda mukuru here, tinoda ipo panzvimbo yedu diki tiri kumboedza kuishandisa zviri kutiraramisa pamwe chete nevamwewo vanhu vakawanda. Ikurudziro yangu kuruzhinji kuti tishandise ivhu zvizere pose patiri kuti nyika yedu isimukire,” vanodaro Mai Mashazhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>