Kukohwa nekuchengetedza mbambaira zvakanaka

19 May, 2022 - 21:05 0 Views
Kukohwa nekuchengetedza mbambaira zvakanaka

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vembambaira vari kukurudzirwa kukohwa zvirimwa zvavo nenzira chaidzo vachitevedzera zvinodiwa mukudzichengetedza munguva ino yemwaka wechando.

VaTrust Sakupinda (43) vanorima vari mumusha weHatfield muguta reHarare vanoti mbambaira dzakakosha zvikuru kana kuchitariswa nyaya dzeutano uye kudhura kwava kuita chingwa.

“Varimi tine basa guru rekuwanisa nyika kudya saka ibasa redu rekuona kuti zvirimwa zvedu tazvikohwa zvakanaka uyewo tozvichengetedza tichitevedzera nzira dzinokurudzirwa nenyanzvi dzinova varimisi.

“Mbambaira dzikatadza kubatwa zvakanaka, dzinosvika pakuwora torasikirwa sevarimi,” vanodaro VaSakupinda.

Vanoti ivo vanogara vachishanda nevarimisi vachiendawo kuzvikoro zvekurima mbambaira uko vanopakurirwa ruzivo rwuzere.

“Pakukohwa mbambaira, hadzifanirwe kutemwa uye dziye dzatatema hatidzidyei tosara nedzisina. Dziye dzasara, tinotanga tadzibvisa ivhu neimwe tsvina tochidziomesa pazuva kwemasvondo maviri, tozodziisa patinodzichengetera,” vanodaro VaSakupinda.

Vanoti kana mbambaira dzasvava, varimi vanogona kudziisa mumapepa epurasitiki kana kuputira nemanews paper, voisa munzvimbo dzinopinda mhepo kuitira kuti dzisawore kana kuita chakumvumvu.

“Tikasvavisa mbambaira dzedu, zvinoreva kuti nhunzi kana tumwe tumbuyu hatukwanise kudya mbambaira idzi sezvo dzinenge dzava kutapira zvakanyanya. Kune vamwe vanokwanisa kuzodziisa mumatura ekugadzira anopinda mhepo uye vamwewo vanoita dzekucherera pasi mumakomba (pfimbi).

Asi zvinoda makomba aya achipinda mhepo nenzira dzatinogadzira toga zvakaita sekuisa pombi inobva kunze,” vanodaro VaSakupinda.

Vanoti nguva yekukohwa mbambaira idzi kazhinji mwaka wechando kusinganaye mvura uye ivhu risina kunyanya kunyorova.

“Mbambaira dzinokwanisa kuchengeteka kusvika mune mumwe mwaka wekurima.

“Kune vanokwanisa kana dzakawanda, vanodziisa panotenderera mhepo mumba kuchishandiswa michina.

“Honai chingwa chadhura saka nembambaira dzedu tinonwa svutugadzike pasina dambudziko,” vanodaro VaSakupinda.

Share This:

Sponsored Links