KuMasvingo vogadzirira mwaka

29 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
KuMasvingo vogadzirira mwaka Varimi vekuZoma, kwaSerima, vari pazvidzidzo zvekugadzirira mwaka

Kwayedza

Godfree Magavu

AKANGE ari makuwerere apo varimi vekuZoma, munzvimbo yeFelisburg mudunhu raMambo Serima, kwaGutu vakawana mukana uzere wezvidzidzo  kubva kukambani yavo inouchika mbeu yeSeed Co pamwe chete nebazi rezvekurima, reAgritex.

Zvidzidzo izvi zvaibatanidza varimi vanoshandisa mvura yemudenga pamwe chete nevemadiridziro eShashe neSmillingvale.

Varimi vemadiridziro eStarnmore B vachitenga mbeu yeNzou SC727

Seed Co yakakohomedza varimi kuti vatevedzere chirongwa cheHurumende chePFUMVUDZA nemazvo kuti mbeu dziwane kudya kwakakwana kubva muvhu, vozodyara mbeu dzinoenderana nedunhu ravo izvo zvinoita kuti goho ravo rizova repamusoro.

Varimi vakaziviswa kuti vamhanyidzane nembeu itsva dzakauchikwa neSeed Co sezvo dziine simba rekutivirira kuzuva, kushingirira kuzvirwere uye dzichipa goho repamusoro dzakaita seSC419 (Tsoko) , SC555 (Mbizi) neSC659 (Shumba). Varimi vakadzidziswawo kuti vatenge mbeu vakabatana kuti vagovigirwa kwavagere pasina muripo neSeed Co zvinova zvinovaderedzera dambudziko rekutenga chibage chakaiswa choko nematsotsi (fake seed).

Varimi vemadiridziro eDromo kuChidza vachitenga mbeu yeSC727 neSC659.

Varimi veZoma vakazopihwa mukana wekusarudza shasha dzevarimi dzinopihwa mbeu dzeSeed Co dzekudyara  paminda yavo pachena dzinova dzinozoratidzwa veruzhinji kana dzaibva (demo plots).

Nyanzvi dzakasarudzwa ndedzinoti VaSimbarashe Mudzingwa, Leonard Marira, Nancy Chiwara naMonica Mavindidze.

Murimisi webazi reAgritex, VaLuka Nzembe vakatorawo mukana uyu kudzidzisa varimi nezvemishonga yesora. “Varimi mukashandisa mishonga yesora yepasi zvose neyepamusoro zvinoita kuti murerukirwe nebasa sezvo sora riri muhekita yose richiomeswa nenguva dikidiki nemunhu mumwe chete. Mishonga yesora inoderedza kukukurwa  kweivhu sezvo minda yenyu isina kucherwa cherwa nebadza,” vanodaro VaNzembe.

Murimisi weAgritex anoona nezvemadiridziro, VaChrispen Madziise vakarairidzawo varimi  vemadiridziro eShashe neSmillingvale kuti vasarime tumbeu tusina mutupo utwo twavanoti tunokonzera nzara asi mvura iripo.

VaGodfree Magavu veSeed Co vachirairidza varimi vekuMuchakata kunaka kwembeu dzinoti SC555, SC419 pamwe neSC659.

“Ndinokukurudzirai kuti murime mbeu yeShumba neNzou chete panodiridzirwa dzakaita seSC727, SC719, SC649, SC608 uye SC659 dzinoita kuti matura azare,” vanodaro.

. . . kandima kadikidiki goho guru . . . goho guru pakandinda kadikidiki.

VaSimbarashe Gotosa veSeed Co vachidzidzisa varimi vekuZoma zvakakoshera mbeu dzakauchikwa

Mune chimwe chikamu, varimi vekuMuchakata mudunhu raMambo Chikava pamwe nevekuChikarudzo mudunhu raMambo Mugabe vakaungana vachiita gadziriro yemwaka apo vaidzidziswa kukosha kwembeu itsva dzichangouchikwa kubva kukambani yavo yeSeed Co idzo dzinotivirira kuzuva seSC419, SC659 neSC555.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>