Kumutsa mweya yevakafa

06 May, 2021 - 12:05 0 Views
Kumutsa mweya yevakafa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWEYA wemunhu anenge afa — kunyanya nenzira yekupondwa, kuroyiwa kana imwe firo isinganzwisisike — unokwanisa here kumutswa nevapenyu kuti upfukire vanhu vakakonzera rufu rwake kana kumhuri dzavo?

Uyu mubvunzo uri mumisoro yevanhu vazhinji zvichitevera kupondwa kwakaitwa vana vaviri vemumhuri imwe chete yekwaMutasa, kuNyanga, apo pakuvigwa kwemitumbi yavo pakazoitwa chivanhu chinonzi chaive nechinangwa chekuti mweya yavo ipfukire vakavauraya.

Delan naMelisa Benza — vese vaiva nemakore manonwe ekuberekwa — vanonzi vakapondwa nevanhu vatatu vanosanganisira babamudiki vavo, avo vose vari muhusungwa.

Mitumbi yevana ava isati yavigwa, yakatorwa ndokuendwa nayo panzvimbo yavakaponderwa apo pakanoitwa chivanhu nehama dzavo chinosanganisira kudeketera nekumwaya fodya yebute pasi.
Izvi zvinonzi zvakaitwa senzira yekuti mweya yevana ava ipfukire nekunorwisa vanhu vakavaponda kana hama dzavo.

Ropa rakaonekwa kudzimba dzevari kupomerwa kuponda vana ava rinonzi harina kubviswa senzira yekuti vamukire vakapfuudza upenyu hwavo.

Ishe Ernest Sachirarwe vekuBonda kunova kwakapondwa vana ava ndivo vakatungamira chirongwa chekumutsa mweya yavo.

Vakadeketera, kuhorera ivhu raive neropa repakaponderwa vana pamwe nekukanda fodya pasi uye kuifuridzira mumhepo.

“Chivanhu ichi tiri kuchiita nekuti ‘chishava’ chakaitika mumusha muno chekupondwa kwepwere dzisina daka nemunhu. Tachema kuvadzimu vedu kuti vana ava vamuke varonde mhondi uye mweya yavo haisi kuzozorora kusvika vanhu ivavo vose vabatwa nekuripa mhosva dzavo,” vanodaro.

Kune dzimwe nzvimbo, kana munhu akafa nenzira dzisinganzwisisike, anovigwa nezvimwe zvinhu zvakaita sezviyo kana nzungu izvo zvinoiswa mukanwa mechitunha kana kumwayiwa paguva rake. Pazvinongomera bedzi, zvinonzi mweya wake unobva wapfuka.

Vamwe vanovigwa nekamuti kanonzi mufandichimuka kana mbambaira nezvimwe kuti vagopfukira vapenyu.

Kwayedza inoita ongororo pamusoro petsika dzekumutsa mweya yevakafa kuti vaite ngozi.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvekare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), VaGeorge Kandiero vanoti tsika iyi inosevenza uye inoitwa kwakawanda.
“Pachivanhu chedu, tinoti munhu haangourayiwi sehuku kana zvimwe zvipfuyo achibva angorova zvakadaro. Ndiko kusaka pachiitwa tsika yekurova guva pachideketerwa nekutora mweya wemufi uchidzoswa mumusha kuti uchengete mhuri.

“Izvi ndizvo zvimwe chetezvo nemweya wemunhu afa nenzira isina kunaka sekupondwa kana kungotsakatiswa, vehukama vanomutsa mweya wake kuti uronde mhondi kwatinoti kumutsa ngozi,” vanodaro.

VaKandiyero

Vanoti pakumutsa ngozi, panotodeketerwa kuvadzimu kuti munhu apfuke achirwisana nevakakonzera rufu rwake.

“Kana mutumbi wemunhu uchiripo kana kuti guva rake, vehama vanotoenda pane mutumbi wake vodeketera nekufuridza fodya sekuti, ‘Iwe nhingi, ndiwe unoziva munhu kana vanhu vakakuuraya nokudaro varonde uvashaise rugare’.

“Panoitwa izvi vanhu vakaponda vanoita chadzimira kana kuzvinzwa panyama yavo. Vamwe vanotanga kuvhumuka kana kurotomoka vachitaura voga zvavakaita zvinozoita kuti vagumisire vabatwa. Vamwe vanotopenga zvekutetereka nesango kusvika vehukama vapindira kuburikidza nekuripa ngozi,” vanodaro VaKandiero.

Vanoti ngozi iyi inokwanisa kuripwa nezvipfuyo semombe kana kubvisa iri mari.

“Kazhinji panopondwa munhu, vanhu vanowanza kupomera n’anga asi handinyanyi kuzvibvuma nekuti chokwadi ndechekuti vanhu vari kufurirana pachavo vachifunga kuti vanoita mari nekuponda uye vanoita izvi vachishandisa njere dzavo dzizere. Kazhinji kacho hadzisi n’anga nemaporofita emuno vari kutuma vanhu kuuraya vamwe asi kuti ndeve kune dzimwe nyika uko kunenge kuri kudiwa nhengo dzemiviri yevanhu semisoro, sikarudzi, mwoyo, zvigunwe nezvimwe,” vanodaro VaKandiero.

Vanoti kana varapi vemuno vachinge vabatwa nemhosva dzekutuma vanhu kuponda, ivo seZinatha vanomirira kuti matare edzimhosva aite basa rawo.

“Isu hatina masimba anodarika kutonga kwematare edzimhosva nekuti mhosva dzehumhondi ndokwadzinotongwa sezvo dziri nyaya huru. Tinokwanisa bedzi kuenda kunopa huchapupu kumatare kana tichinge tadaidzwako,” vanodaro.

Mbuya Diana Nzinga vekuGlen View, muHarare vanova murapi wechivanhu vanoti munhu wose anenge aurayiwa zvisina tsarukano anomuka ngozi.

“Hakuna munhu anorova, chero vakafira muhondo vanotomukawo kana kumutswa nehama vachironda madzinza avo. Ngozi inogona kupedza dzinza rose kwosara munhu mumwe chete yozobudira paari. Saka mufi anozotaura zvaanoda kuripwa nazvo kuti imombe here. Kana ngozi ikasaripwa, dzinza rinopera,” vanodaro.
Sekuru Peter Maponda vekuChitungwiza vanova murapi wechivanhu vari zvakare mutevedzeri wemutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA) vanoti n’anga nemaporofita vari kuurayisa vanhu havana kumbosiyana nevaroyi.
“Munhu anofanira kufa nenguva yake yaakatarirwa naMwari kwete kuti rufu rwake rwukonzerwe nemumwe munhu sekupondwa. Vanenge vafirwa nehama dzavo zvisina tsarukano vanoenda kun’anga vomutsira pachishandiswa mishonga se’mufandichamuka’ kana doro nekureverera.
“Kugona ngozi kuiripa nekuti inobata kunyangwe neasina mhosva. Matare edzimhosva angapa mitongo yakakura asi ngozi pachivanhu inenge ichida kuripwa,” vanodaro.
Vanoti kune miti inodyarwa pamakuva kuti munhu amuke uye painooma mashizha, nyakuuraya anogona kunge achitorasika njere asi achizomboita zvakanaka kana muti uyu wave kupfumvura.
Mbuya Joyce Nhambura vanova murapi wechivanhu zvakare vanoti kupondwa kwevana kwanyanya munyika muno asi mhosva hairovi nekuti mufi anomuka.
“Mhepo yemufi inogona kugara pamwana wemupari wemhosva kana wemudzinza iroro ichitaura maponderwo akaitwa munhu uye kuronda kune mapfupa ake kana achinge akatsakatikira musango,” vanodaro.
Kuchiti Sekuru Itai Bakasa vanova bishop kukereke yeZvirevo Apostolic Sect vanoti ngozi inomuka kunyangwe pakati pemaKirisitu.
“Patinonamata tinoti Mwari wedu nevadzimu vatitarirewo kureva kuti vadzimu variko uye tiri vanhu vanobva mumadzinza nokudaro chero munhu achinamata, kana achinge afa vedzinza rake vanoita zvavanoda naye. Sevana vekupondwa kuNyanga, handiti pakaitwa chirongwa chemunamato asi mitumbi yakaendeswa zvekare kwayakaponderwa kukanoitwa chivanhu chekumutsa mweya yavo.

“Kana munhu afa haana simba nemutumbi wake, anomutswa nevadzimu vake kana vehukama kuti arwise hondo kuvaurayi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links