‘Kupfuya tsuro kunoraramisa mhuri’

06 Jul, 2023 - 18:07 0 Views
‘Kupfuya tsuro kunoraramisa mhuri’ VaGift Jambaya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NYANZVI munyaya dzekupfuiwa kwetsuro, VaGift Jambaya (48) vekuStapleford – avo vaimboshandira kuMt Hampden – vanoti vari kufambira mberi nekupakurira veruzhinji, kusanganisawo vana vechikoro, ruzivo maringe nezvinodiwa pakuchengeta tsuro, uye vane muono wekufambirana nezvido zveHurumende zvekusimudzira vechidiki.

Vanoti vakawana nzvimbo yakatambanuka apo vanoita mabasa avo mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuChinhoyi.

“Basa rekupfuya tsuro riri kusimukira zvikuru nekuda kwekufarirwa kwetsuro munyika medu. Nyama yetsuro iri kutoita shoma.

“Takabva kuMt Hampden tikawana nzvimbo yakatambanuka pedyo nemumugwagwa weHarare-Chinhoyi pakabatana nechikoro cheSt Marnocks Primary School. Ndipo patava kurovera basa redu uko vanoda kudzidziswa kupfuya tsuro vanouya, kusanganisa vana vechikoro, tichivapa ruzivo” vanodaro VaJambaya, avo vanozivikanwa nekunzi Mr Tsuro.

Vanoti vane tsuro dzinodarika 400 uye vanoda kuti dzisvike 5 000 nekufamba kwenguva.

Murimi uyu akawana mikombe yakawanda kuZimbabwe Agriculture Show (ZAS) nekuda kwehunyanzvi hwekupfuya tsuro.

Tsuro

“Nzvimbo yedu inotibvumidza kuita zvose zvatinoda kusanganisira kuvaka siraha rekuuraira tsuro nenzira dzine utsanana,” vanodaro.

VaJambaya vanoti donzvo ravo rakanangana nekuzadzikisa chirongwa cheVision 2030 nekusimudzira kupfuiwa kwetsuro munyika kusvika padanho repamusoro, zvichiwanisa vechidiki mabasa ekuzvishandira.

“Aya ndiwo mamwe emabasa ari kukurudzirwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa kana tichitarisa Vision 2030 munyaya dzemabasa ekusimudzira nyika. Tiri kuramba tichivandudza mhando dzetsuro dzedu dzatinopfuya. Izvozvi tine mhando itsva inokura zvakanaka. Tsuro idzi dzinobereka vana vakawanda kubvira pavanomwe kusvika 11,” vanodaro VaJambaya.

Vanoti mhando yetsuro iyi vana vayo havangofa sezvinoita dzimwe mhando.

“Dzimwe mhando dzetsuro tiri kupfuya dzakadai seCalifornia White, New Zealand White, New Zealand Red, Chinchilla Grey, Flemish Giant, Zika, Masango, Angora neSinamon,” vanodaro.

Vanoti tsuro dzinowanisa mari nekukasika uyewo nyama yacho yakanakira utano hwevanhu.

Tsuro imwe chete inotengeswa nemari inoitas US$10 apo inenge yava nemwedzi mitatu bedzi.

“Hapana chinoraswa patsuro kubva kunyama yacho, dehwe, tsoka, nhoko uye kunyangwe weti yacho inoiswa muminda semanyowa. Matehwe anogadziriswa mabhegi nezvimwe, tsoka dzinogadziriswa makey holders. Tine hurongwa hwekuzogadzirisa matehwe aya tichiburitsa zvinhu zvakasiyana kana kuatengesa kunze kwenyika.”

VaJambaya vanokurudzira vane chido chekudzidziswa kupfuya tsuro, kunyanya vechidiki, kuti vashanyire muzinda wavo.

“Kunze kwekupfuya tsuro, tiri kurimawo zvinosanganisira muriwo seChinese cabbage neEgg plant.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>