Kurima madomasi ePrime Seed Co

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Kurima madomasi ePrime Seed Co

Kwayedza

Elizabeth Benjamin —
PRIME Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) dzakasiyana-siyana pamwe chete nedzemafuro ezvipfuyo. Prime Seed Co inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro, dziya dzinodaidzwa kuti mahybrids.

Mahybrids akanakira varimi nokuti anopa goho repamusoro uye remhando inoyevedza (good quality), zvokuti mutengi achida kutenga pamusika anotomhanyira iwo ma- hybrids.

Goho rinobva pambeu yemahybrids rinogara nguva yakareba risati rakanganisika. Izvi zvakanakira murimi nokuti kana miriwo yacho yakawandisa pamusika, murimi anokwanisa kumbomira kutengesa goho rake zvichizomupa mukana kana mitengo yakwirira.

Prime Seed Co inokurudzira varimi kuti pese pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo, ngavatange vabvunza nezvehybrid yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanowanza kumhanyira kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dzakaderera pamutengo kudarika mahybrids. Kwete varimi, akupanga zano ndewako. Zvakachipa zvinogona kuzokudhurira kumunda nokuda kwekuti zvinenge zvoda kufiritwa rusingaperi.

Vhiki rino tiri kuenderera mberi nehurukuro yemadomasi (tomatoes) iyo yatakatanga masvondo matatu apfuura. Prime Seed Co inonzwa manyukunyuku nokuda kwembeu yemadomasi yainotengesa. Kambani iyi ine mhando dzemadomasi dzinopfuura sere. Izvi zvinopa murimi mukana wekuti asarudze mhando inoenderana nezvinodiwa nevatengi vake (market).

Dzimwe mhando dzemadomasi dzinotengeswa nePrime Seed Co ndedzinoti Daisy, Akela, Aya, Pietrarossa, Nash, Chibli, Vaquero, Mouna neVectra. Mbeu idzi dzinosanganisa dziya dzinotengeswa pamusika dzakadaro (fresh market) nedziya dzinozovandudzwa kana kugaiwa dzichigadziriswa chimwe chikafu (processing).

Tichasarudza mbeu mbiri dzemadomasi idzo tichapenengura nezvadzo. Mbeu idzi dzinoti Pietrarossa neVaquero. Madomasi aya anotengeswa zvose pamusika akadaro (fresh market) uye anodiwa nemakambani anogadzira zvimwe zvekudya kubva mumadomasi. Madomasi aya ane ganda rakasimba zvokuti chero munguva yekunaya kwemvura haatsemuki.

PIETRAROSSA

Pietrarossa idomasi rehybrid rinorimwa mumunda uye rinokura risinganyanyi kuenda mudenga. Madomasi ePietrarossa akaita majam anokura zvokuti rimwe chete rinogona kuita huremu hunosvika 100-120 grams. Izvi zvinoreva kuti domasi rePietrarossa idiki zvishoma pane reVaquero.

Dzinde rePietrarossa rakasimba zvokuti rinomira zvakanaka mumunda uye rinoita mashizha akakura anovharidzira kuti madomasi asarohwa nezuva. NePietrarossa, unotanga kukohwa mushure memazuva makumi manomwe nemashanu (75 days).

Pietrarossa rinorimika zvakanaka pasina kumisikidzwa nezvimiti newaya asi richingobudisa zvakare goho repamusoro. Pietrarossa rinoshingirirawo pakubatwa nemanematodes pamwe chete nechirwere cheBacterial Speck. Chakanyanya kunakira Pietrarossa ndechekuti ine Brix level inosvika 6% iyo inoita kuti inyanye kudiwa nevemakambani anoita zvechikafu.

Brix level inoreva huwandu hwesugar mumadomasi. Kana Brix yakakwira seye muPietrarossa, zvinoreva kuti madomasi aya ane munyepfu (flesh) wakawanda nemvura shoma.

Pari zvino vanorima madomasi ePietrarossa vanokwanisa kuatengesa kukambani yeBest Fruit Processors iri kuNorton. Ndokusaka vePrime Seed Co vachikurudzira varimi kuti vasarudze mbeu dzemadomasi zvine hungwaru nokuti nePrime Seed Co unoita mari pachena.

VAQUERO

Vaquero imhando yehybrid inorimwa mumunda, uye inokura isinganyanyi kuenda mudenga. Vaquero rinokura zvinoyevedza nokuti rine mashizha akawanda ayo anobatsira kuvharidzira zuva kuti risarova madomasi. Madomasi eVaquero ndeemhando yakada kuita seaya anonzi nevazhinji majam, kureva kuti akanoreburuka, anokura zvokuti rimwe chete rinogona kuita huremu hunosvika 120-140grams. Madomasi eVaquero anotsvuka zvinoyevedza uye akasimba zvokuti haatsemuki.

Kana akohwewa anogara kwenguva refu asina kukanganisika. VePrime Seed Co vanonyeurira varimi kuti mbeu iyi inogona kurimwa isina kumisikidzwa nezvimiti newaya. Domasi reVaquero rinokasira kusvika zvokuti murimi anokwanisa kutanga kurikohwa mushure memazuva makumi masere (80 days).

Chakanyanya kunakira Vaquero ndechekuti harinyanyi kubatwa nezvirwere zvakawanda zvakaita seBacterial Speck, Verticillium wilt neFusarium wilt. Vaquero rinoshingirira pakubatwa nemanematodes. Izvi zvinobatsira kuti murimi asazonyanya kufirita.

Marimirwo emadomasi ePrime Seed Co:

Madomasi anowanikwa kuPrime Seed Co anoda kudyarwa pakarimwa zvakanaka uye muvhu rinorasa mvura zvakanaka. Midzi yemadomasi inogona kureba kusvika mamita maviri (2 metres deep) asi mizhinji inowanikwa mu60cm dzepamusoro. Ivhu rakanakira madomasi nderiya rinovavira kana kutapira kunosvika 5.0-5.8 (PH 5.0-5.8 on the Calcium Chloride scale).

Senguva dzose, varimi vanokurudzirwa kuti vaendese ivhu ravo kunoongororwa. Izvi zvinovabatsira kuti vazive zvakawanda kana kushomeka muivhu ravo.

VePrime Seed Co vanokurudzira varimi kuti vashandise Compound C sefetireza yepasi ine huwandu hunosvika 750-1000kg/ha zvichienderana nevhu ravo. Mushure mevhiki rimwe vadyara, varimi vanofanira kuisa 25kg/ha Mono Ammonium Phosphate (M.A.P). Vhiki rechipiri vanoisa 50kg/ha Ammonium Nitrate (AN), rechitatu 50kg/ha AN. Vhiki rechina zvichienda mberi vanoisa 50kg/ha AN pamwe chete ne50kg/ha Sulphate of Potash (SOP). Mafetereza ose anofanira kumira mavhiki matatu vasati vapedza kukohwa.

Calcium yakakosha zvikuru pakurimwa kwemadomasi. Kana calcium ikashaikwa, madomasi anoora achibva nepasi (blossom end rot). Naizvozvo varimi vanokurudzirwa kushandisa fetereza yeCalcium Nitrate ine huwandu hwe10g/1litre yemvura vachishandisa mvura ingaita 250-300litres pahekita imwe. Calcium Nitrate inoiswa kubva panotanga maruva vachiisa vhiki imwe neimwe.

Varimi vanokurudzirwawo kushandisa dzimwe mhando dzefetireza yekufirita yakaita seOmniboost, Nutrifoil nedzimwe dzinopawo hudyi (nutrients) hunoita kuti madomasi akure zvakanaka zvakaita seManganese, Boron, Iron, Sulphur, Zinc nezvimwe.

Panhau yekudiridza madomasi, drip irrigation ndiyo yakanyanya kunaka nokuti mvura hainyorovesi pamashizha izvo zvinoderedza zvirwere zvepamashizha uye nedrip mvura inoshandiswa nechirimwa nemazvo. Zvekudiridza mvura ichipfapfaidzwa nepamusoro pemadomasi (overhead irrigation), zvinogonawo kuitwa hazvo asi zvirwere zvemashizha zvinowandawo. Madiridziro ekueredza mvura nepasi (flood irrigation) akanakawo pakuderedza zvirwere asi murimi anoshandisa mvura yakawanda zvikuru.

Varimi vanokurudzirwa kumeresa mbeu yemadomasi panesi isati yazodyarwa kumunda. Zvakakosha kuti murimi ashandise mbeu yakamereswa zvakanaka uye isina zvirwere kuitira kuti mbeu igotangawo kukura zvakanaka. Pakudyara kumunda varimi vanosiyanisa mitsara ne1.2-1.5 metres uye mumutsara woga-woga mbeu dzinosiyaniswa ne30-40cm. VePrime Seed Co vanokurudzira varimi kuti vasabvisa mapazi epasi (pruning) pamadomasi ayo asinganyanyi kukura achienda mudenga. Kubviswa kwemapazi epasi pamadomasi kunovandudza kuwedzera kwezvirwere zvakaita seBotrytis ne Pseudomonas.

KUKOHWA:

Pakukohwa, varimi vanofanira kutanga kutanha madomasi achangotanga kutsvukira (pink colour). Achinge akohwewa, madomasi anosarudzwa zvichienderana nekukura kwawo, madiki achiiswawo pawo oga. Madomasi anenge asingaratidziki zvakanaka pamwe chete neayo ane zvirwere neaya anenge akatsemuka anoiswawo.

Kuchengetedza kubva kuzvirwere nehudyi (pest and disease management):

Madomasi chirimwa chinofarirwa netumbuyu twakawanda seinda, cutworm, whiteflies, redspider mites nemafruitworms. Chimwe chipuka chanetsa mazuva ano chinonzi Tuta Absoluta. Chipembenene ichi chinokuvadza mashizha, madzinde nemadomasi acho chaiwo. Naizvozvo zvakakosha kuti varimi vagare vakagadzirira mishonga kuti chipembenene ichi chisaparadza goho. Zvirwere zvinobata madomasi zvinosanganisira early nelate blight, powdery mildew nezvimwe zvinooresa mashizha. Varimi ngavawane rubatsiro ruzere maererano nemishonga kubva kunana mazvikokota.

Madomasi chirimwa chinonakidza kurima kune murimi anoshanda nesimba. Zvakare chirimwa chinopa goho guru zvikuru sei kana washandisa mbeu dzinobva kuPrime Seed Co. Iko zvino kwava kuenda kuchidziya, naizvozvo varimi ngatimhanyei nawo madomasi. Wasara wasara pakuita mari nePrime Seed Co.

Varimi sunungukai kutsvaga rubatsiro neruzivo kubva kuvarimisi vePrime Seed Co vakatekeshera nyika yose. Onai nhare dzavo.

Nembeu dzePrime Seed Co unoita mari!

lElizabeth Benjamin murimisi kuPrime Seed Co. Anobatika panhare dzinoti 0731432590.

Share This:

Sponsored Links