Kurima mapfunde kunopundutsa

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Kurima mapfunde kunopundutsa

Kwayedza

Wendy Madzura

TINOENDERERA mberi nehurukuro iri pamusoro pekurima mbesa dzetsanga duku idzo dzinosanganisira zviyo, mapfunde nemhunga pakati pedzimwe.

Tikanangana nembeu yemapfunde, sarudzo yembeu yakakosha zvikuru nokuti murimi akasarudza mbeu zvine hungwaru anowana mbeu inenge yakauchikwa nechipo chekupa goho repamusoro (genetic potential).

KuSeed Co kune mbeu mbiri dzemapfunde dzinogona kuita kuti murimi awane pundutso pakurima kwake. Mbeu idzi dzinoti SC Sila neSC Smile.

SC Smile imhando yemapfunde matsuksu.

Mapfunde aya anogadziriswa doro.

Kurima C Smile kunokurudzirwa kuvarimi vanenge vapinda muchibvumirano (contract farming) nemakambani anogadzira doro.

Tinodaro nokuti murimi akarima mapfunde aya aine chinangwa chekutengesera vanhu kana kuti achida kuita chikafu chezvipfuyo, anorasikirwa nemari zhinji nokuti mapfunde aya haadyiwi nevanhu kana zvipfuyo.

Kana murimi asina chibvumirano nemakambani anobika doro, tinokurudzira kuti arime mhando yemapfunde machena emhando yeSC Sila.

SC Sila imhando yemapfunde machena. Mapfunde machena akakosha zvikuru pakurima zvekugutsa nyika (food security) nokuti anodyiwa nevanhu pamwe chete nezvipfuyo.

SC Sila yakanakira kuti ine chipo chekupa murimi goho repamusoro kana achinge airimwa zvakanaka.

Goho remapfunde rinobva pa5 ton kusvika pa6 ton pahekita (maeka maviriri nechidimbu). Chipo chegoho ichi chinobatsirwa nekuti mbeu iyi ine mhumhu mupfupi (short stature) izvo zvinoita kuti isadonhe mumunda.

Kudonha mumunda kunokanganisa pakukohwa nemichina (harvesters) uye rimwe goho rinorasikira mumunda richizodyiwa nemuchenje.

SC Sila yakauchikwa nehunyanzvi hwekuti inoshingirira zvakanyanya kubva kuzvirwere zvinonetsa mapfunde zvinosanganisira zvirwere zvinotisa mavara pamashizha, zvinobata musoro wemapfunde nezvinokanganisa kukura kwemaruva.

Varimi havakurudzirwi kurima mbeu yemapfunde panzimbo imwe chete kana kuchinjanisa nembeu dziri mumhuri imwe chete nemapfunde nokuti izvi zvinoita kuti zvirwere zviwande.

SC Sila anorimika kumativi ose eZimbabwe.

Gore rino vanamazvikokota vanoona nezvemamiriro ekunze vakapa yambiro yekuti mwaka wa2019/2020 unokwanisa kuve nemvura shoma (El Nino) nokudaro zvakakosha kuti varimi vasarudze mbeu dzinoshingirira kupisa kwekunze nekunge mvura iri shoma.

Zvakakosha kuti varimi varime mbeu dzinosanganisira mapfunde nokuti dzinotora mazuva mashoma kubva pakudyarwa kusvika pakuibva, muyenzaniso ndeweSC Sila iyo inotora mazuva 110 kusvika pa130 kuti isvike pakuibva.

Mazuva ekuibva kwemapfunde anosiyana nenzvimbo yaanenge arimwa.

Tinoona kuti mapfunde anenge arimwa kunzvimbo dzakakwirira kubva munyanza sekuChimanimani anotora mazuva akawanda kusvika pakuibva asi anorimwa kunzvimbo dzakaderera sekuMasvingo neBulawayo anokurumidza kusvika.

Zvakakosha kuti nemamiriro akaita mwaka varimi vaite zvose zvavanogona kuchengetedza hunyoro muvhu.

Nzira dzekuchengetedza hunyoro dzinosanganisira kuchera makomba, kushandisa mishanga kana masora anochengetedza hunyoro muvhu.

Mapfunde anodyarwa kubva pakupera kwaMbudzi kusvika pakupera kwaZvita (end of November to December).

Huwandu hwembeu pakudyara huri pakati pe5 kg kusvika pa7 kg kana mbeu iine tsanga diki asi kana iine tsanga hombe huwandu hwembeu hunogona kusvika pa10 kusvika pa15 kg pahekita.

Kubva pane umwe mutsara kuenda pane umwe munokurudzirwa kushandisa 75cm mobva vadonedzera mbeu mumutsara mumwe chete yakapatsanurana zve5 cm.

Kurima zvine pundutso kunobva pakucherechdza kubva panomera mbeu kuti madzinde pachindima akawanda zvakadii.

Kumbeu yemapfunde, varimi vanokurudzirwa kuve nemadzinde 200 000 kusvika pa250 000 pahekita.

Panomera mapfunde, zvakakosha kuti varimi vadzure imwe mbeu inenge yamera kana ichinge yawandisa nokuti kana ikawandisa pandima zvinokonzera kukwikwidzana kwakanyanya pakati pembesa, izvo zvinoita kuti murimi awane madzinde matete ane goho rakadzikira.

Mapfunde anoda fertireza shoma.

Izvi zvinoita kuti murimi ashandise mari shoma pakutenga zvinodiwa pakuarima.

Kana murimi akarima mapfunde, obva ashingaira kuti awane goho repamusoro, anokwanisa kusara aine mari yakawanda muhomwe (return per dollar invested).

Izvi zvinoita kuti murimi awane pundutso mubasa rake.

Pamafetireza tinoramba tichi kurudzira varimi kuti vaongororese ivhu nokuti zvinoita kuti vagadzirise mamiriro evhu pamwe chete nekushandisa mhando nehuwandu hwemafetireza anopa goho repamusoro.

Kazhinji huwandu hwemafetireza anoshanda kugorosi pakudyara ari pakati pe100kg/ha kusvika 300 kg/ha, iyi inenge iri fetireza yekudyarisa yemhando yeD (7:14:7).

Fetireza yepamusoro yeAmmonium Nitrate inodiwa nehuwandu hwe100 kg/ha kusvika pa200kg/ha. Mapfunde anokura zvakanaka kana varimi vakashandisa manyuwa, asi tinokurudzira kuti vasevenzese manyowa pamwe chete nema fetireza nokuti izvi zvinoita kuti vawane goho repamusoro.

Zvakakoshawo kuti varimi vachengetedze mapfunde kubva kusora nokuti rinokwikwidzana nembesa pakukura. Izvi zvinoita kuti goho ridzikire zvakanyanya.

Pakusarudza mishonga yesora zvakakosha kucherechedza mhando yesora rinonetsa pamunda uye kuti mushonga wesora waiswa nenguva uye nehuwandu hunodiwa.

Mushonga wesora unoshanda zvakanaka pasora diki-diki rine mashizha matatu kusvika pamashanu. Sora rinenge rakurisa harife nemushonga wesora nekuti rinenge rakomba.

Twumbuyu twunonetsa mapfunde twunosanganisira nhata nemakonye.

Zvakakosha kuti murimri ave chiremba wembesa dzake kuburikidza nokufamba mukati memunda nguva nenguva achicherechdza kuti pane chingada kutsvagirwa mushonga here.

Murimi haafaniri kumema munda ari kunze nokuti twumbuyu twunogara pasi pemashizha nechepakati pemunda.

Rimwe dambudiko rinosangana nevarimi ishiri.

Shiri dzinonetsa zvikuru kana mapfunde akura.

Varimi vanokurudzirwa kutsvaga vanhu vanodzinga shiri.

Kurima mapfunde kwakanaka nokuti misika inotengeserwa mapfunde, kunyanya mapfunde machena SC Sila yakawanda.

Izvi zvinoita kuti murimi ave nemukana wekutsvaga musika unomupa mari yepamusoro.

Varimi rangarirai kuti kurima ibhizimusi, nokudaro zvakosha kuti tirime zvinotipa goho repamusoro.

Izvi zvinoita kuti tiwane goho rinokwana kupa mhuri chikafu pamwe chete nezvipfuyo.

Kana goho rikakwira murimi anosara nemapfunde ekutengese owana mari yekuita mabasa aksiyana.

◆ Wendy Madzura mudhumeni mukuru kuSeed Co. Anobatika pa: 0773270080

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>