Kurima matura achifashukira

05 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Kurima matura achifashukira DUTU rechibage chakakohwewa naVaEcknos Gombera vekuRosa, kuChiweshe mwaka uno.

Kwayedza

Rabson Musimudziwa
MWAKA wa2019-2020 wanga wakatsonga kuburikidza nekunaya mvura shoma. Asi kunyangwe zvakadaro, VaEckinos Gombera, murimi wekuRosa, munzvimbo yeChiweshe, vanofadzwa zvikuru negoho ravakawana mushure mekunge varima mbeu mbiri dzekukambani inouchika mbeu zvemandiriri, yeSeed Co dzinoti SC727 neSC719. Mbeu idzi dzose dziri mubandiko reNzou.

Ivo nemudzimai wavo vanoti vakasarudza mbeu idzi dzinova dzemwaka murefu vachishandisa zvinyorwa zvemanairo emvura inosiwanzonaya yakawanda mudunhu ravo.

Vanoti mvura yavakadyara nayo ikameresa mbesa ndeyakanaya musi wa12 Zvita 2019 zvichireva kuti yakanonoka kuturuka sezvo vaichimbodyara pakati pemwedzi waMbudzi makore ose.

Vane zvinhu zvavakaongorora vakafadzwa nazvo pambeu idzi.

“Isu takanyanya kufadzwa nembeu idzi dzeSeed Co – SC727 neSC719 – nokuti dzinomera zvinonwisa mvura.

“Zvekare pano pamba ndine rain gauge. Ndakadyara ndaona mvura yasvika 30mm, handina kuita dambudziko sezvakaita vamwe muno,” vanodaro VaGombera.

Mai Gombera vanopamhidzira vachiti, “Mbeu yeSeed Co inoshinga muzuva, kunyanya SC727 pamwe chete neSC719. Pakwaipisa vanhu vaidarika nepamunda vaitibvunza kuti taidiridzira here nyamba hatina kudiridzira nokuti munda wedu uri kure nerwizi rwunemvura Ruya.”

Baba Gombera vakatutsira vachiti sahwira wavo wavanoita naye makundano, VaMusenha vakadyara mbeu imwewo asi yakakundikana nekupisa uye mvura yaiva shoma. Saka vakati sarudzo yembeu inoita kuti murimi abudirire pakurima kana kuwira pasi.

Baba naMai Gombera vanopupurawo kuti vakarima pavakapedza kukohwa munaChivabva saka vakakwanisa kudyara nemvura yokutanga. Vanowedzera vachiti vakasakura vachisevenzesa mishonga yesora izvo zvavanoona sokunge zvakasimudzawo goho ravo.

Vanotizve vanoterera zvirongwa zvekurima zvakaita seTalking Farming kuti vawane mazano. Izvi ndizvo zvinogarokurudzirwa nevarimisi veSeed Co kuti mbeu yeSeed Co pamwe nenzira dzakanaka dzokurima, murimi anowana pundutso uye kutora kurima sebhizimusi.

Vanoti vanotarisira kuwana matani makumi matatu nemaviri kubva pamunda wakakura mahekita maviri.

Vanoti havasati vambonobairwa chitupa chokusevenza asi vane upenyu hwavari kugutsikana nahwo.

“Zvese zvamuri kuona zvinobva mukuruma  kubva ndichiyaruka. Mbeu yeSeed Co haikurasise.”

Vanoenderera mberi nokuratidza musha wavo wakanaka uyo wavakavaka nokurima pamwe nemudziyo wetarakita uyo vanoti vakawana mushure mekuita murimi wekutanga pamakwikwi evarimi.

SeSeed Co tinoti zvinotanga nembeu chaiyo.

“Kuti Seed Co ndokuti mbeu, kuti mbeu ndokuti Seed Co!”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>