Kuriritira zvirimwa zveZhizha

20 Feb, 2018 - 10:02 0 Views
Kuriritira zvirimwa zveZhizha Murimisi weSeed Co, Wendy Matashu Madzura, achiongorora zvirwere mumunda.

Kwayedza

Wendy Matashu Madzura
KURIMA kwaveko mazuva ano rava bhizimusi nokudaro vavariro yemurimi yave yokuti arime mbesa zvine hutesvatesva hwekuti awane goho repamusoro-soro. Izvi zvinoita  kuti varimi vasare vane mari yakawanda muhomwe yokuita mabasa akasiyana-siyana pamwe chete nokuriritira mhuri.

Donzvo redu seSeed Co ndere kukupangai mazano anoita kuti murime zvinokupai pundutsu.

Kuuya kwakaita mvura kwakadzora tariro kuvarimi vazhinji nokuti mbesa dzakange dzosiririsa nokusvava nokuda kwekushaikwa kwemvura mavhiki matatu apfuura. Tiri mubishi rekufarira mvura, tinoona kuti kunaka kwezvimwe kuipa kwezvimwe chokwadi. Nekuti kuuya kwakaita mvura kwakauya nedambudziko resora, kutsvukuruka kwembesa nezvirwere kuzvirimwa zveZhizha zvinenge chibage nesoya beans.

Takanangana nesora, tinoona kuti rinodzikisa goho remurimi zvakanyanya kana tikarega richikurirana nembesa. Izvi zvinogona kudzikisa goho nechitsama chinopfuura makumi mashanu muzana, 50%.

Mavhiki apfuura nhau yesora yakatsanangurwa zvakadzama nemurimisi wenyu weSeed Co. Nhasi tinoda kukurukura maringe nekufirita mushonga wesora kuchinaya.

Murimisi weSeed Co, Wendy Matashu Madzura, achiongorora zvirwere mumunda.

Zvakosha kuti mushonga wesora repamusoro ufiritwe denga risingaratidze kuti kungangonaya kwenguva ingazvika maawa mana kusvika pamasere (4-8 hours). Tinodaro nokuti mushonga wesora, kunyanya uya unopinda mutsinga, unoda kuwana nguva yatareva iyo kuti ushande zvakanaka.

Ukange wanaiwa nguva iyi isati yakwana, zvinoreva kuti mushonga unogezwa nemvura, sora rotadza kufa zvakanaka. Chimwe chingagona kubatsira varimi panguva iyi kushandisa mishonga yokunamira, iya inoita kuti mushonga ugare nguva refu pashizha usina kugezwa nemvura.

Kana mvura ikanaya yakawanda kwemazuva akatevedzana, tinoona mbesa dzichitanga kutsvukuruka. Izvi zvinokonzerwa nekushomeka kweimwe mhando yechikafu chinodiwa nembesa pakukura chinonzi Nitrogen.

Ichi chikafu chinowanikwa mumafetireza anenge AN iya yatinoti Top kana kuti Urea. Idzi fetireza mbiri dzinounza kudya kweNitrogen nehuwandu hwakasiyana uye zvinoshandiswa nenzira dzakasiyana.

Tikatarisa AN tinoona kuti ine kudya kunosvika pa34.5%. Fetireza iyi inoda kushandiswa pasi paine hunyoro kuti iwane kunyungudika yopinda muvhu mainokwanisa kutorwa nemidzi yembesa.

Mhando yefetireza iyi inokwanisa kuiswa pamusoro nechepadivi pembesa, isina kuvharwa nevhu. Chatinozoona ndechekuti fetireeza iyi haidi kuti mvura yakawanda inaye yakawanda, kunyanya panguva pfupi. Tinodaro nokuti fetireza iyi inobva yadzika muvhu kuenda pasi pemidzi paisingakwanisi kuzotorwa nemidzi.

Ndipo patinozoona mbesa dzotanga kuratidza ruvara rwokutsvukuruka dziri mumunda. Izvi zvinoita kuti goho remurimi ridzikire zvikuru.

Mhando yefetireza yeTop inokurudzirwa kuiswa muzvikamu zviviri kana zvitatu muchisiyanisa nemavhiki maviri muchitangira panosvika mbesa mavhiki matatu kana mana okubuda muvhu.

Tikatarisawo mhando yefetireza yeUrea tinoona kuti ine 46% Nitrogen iya yatamboreva. Dambudziko reUrea nderokutorwa nemhepo kana ikangotsvetwa pedyo nedzinde rembesa isina kufushirwa nevhu. Zvoreva kuti kana mukashandisa Urea vavarirai kuivhara nevhu kuti ishandiswe nembesa zvakakodzera.

Mhando yefetireza iyi inopisa mbesa kana ikashandiswa pane mvura shoma. Kazhinji inoshanda zvakanaka kana ichinge yaiswa muminda inogarira mvura kana kuti mumatoro. Inoshandawo zvakanaka kana mvura ikanaya yakawanda zvokujenga mumunda.

Dambudziko rezvirwere nderimwe rezvinhu zvinoshaisa varimi hope. Zvirwere zvinogona kukonzera kuti mbesa dzitadze kusvika pakubereka vana kana kukura mashizha zvekukohwewa.

Donzvo remurimi wose rinofanira kuva rekuti aedze nepose paanogona kudzivirira zvirwere pakukura kwembesa. Panguva yokunaya tinoona kuti zvirwere zvinowedzera. Izvi zvinokonzerwa nokuti kunaya kunounza hunyoro hunodiwa nezvirwere zvochisangana nokudziya kwekunze, zvirwere zvobva zvawanda.

Zvakakosha kuti murimi ave nehukama hwepedyo nembesa dzake achipinda mumunda kunoona kuti pane chasanduka here opinda nemushonga chirwere chisati chatekeshera.

Kufirita mishonga panguva yekunaya kunoda kuitwa zvine hungwaru. Zvakakosha kuti varimi vashandise mishonga iya yatamboreva inobatsira pakunamira kwemushonga pamashizha.

Chimwe chikuru chinofanira kucherechedzwa nevarimi inguva inodiwa nemishonga yakasiyana-siyana kuti ishande. Mirairo iyi inowanikwa pamishonga yose inotengeswa zviri pamutemo.

Zvino ichinge yanaya mvura, zvakakosha kuti varimi vasakanganwe chazuro nehope. Rongerai ramangwana nokuchengetedza mvura kuburikidza nekugadzira zvimakandiwa nekuchera makomba pakati pemitsara kuitira kuchengetedza mvura.

Asi kana ichinge yazowandisa, vavarirai kuzarura migero inotendera kuti mvura isaungana kana kuita zvimadhamu mumunda nokuti izvi zvinodzikisa fetireza kunyanya yemhando yeTop pamwe chete nekuunza zvirwere zvekuora kwemidzi.

Kurudziro yatinosiira varimi ndeyokuti kurima kwemhando yebhizimusi uku harisi dambe, zvinoda kurongeka nokuita hochekoche nevarimisi kuti murime zvinokupai pundutso.

Rangarirai kuti kune zvinhu zviviri chete zvinokupai goho repamusoro – kusarudza mbeu zvine hungwaru nekutevedza tsika dzakanaka dzekumunda.

Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co!

 

l Wendy Matashu Madzura ndiCommercial Agronomist kuSeed Co uye anobatika pa: 0773 270 080 / 0713 270 080

Share This:

Sponsored Links