Kusarudza mbeu yechibage

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Kusarudza mbeu yechibage

Kwayedza

Wendy Madzura
NOKUDA kwekunaya kuri kuita mvura, varimi vari mubishi kudyara mbesa dzakasiyana-siyana, kunyanya chibage.
Chibage ndiyo mhando yechikafu chinodyiwa zvakanyanya muZimbabwe (staple food). Zvakakosha kuti varimi vavavarire kukwidza goho pamunda kuti vawane chikafu chinovakwanira semhuri. Kana varimi vawana maguta pamusha, tinoona kuti vanokwanisa kutengesa chimwe chibage vowana mari yokushandisa. Nyika inobva yawanawo chibage chekushandisa kugutsa ruzhinji pamwechete nekutengesa kunze.

Kurima ndeimwe yenzira dzine mukana wekuvandudza mamiriro enyika yedu, nekudaro zvakakosha kuti varimi varime zvine pundutso.

Kurima kwaveko mazuva ano kwave kwemhando yebhizimusi, nokudaro zvakakosha kuti varimi vacherechedze zvose zvinoita kuti varime zvinovapa goho repamusoro. Kurima zvine pundutso kunotanga nekusarudza mbeu zvakanaka pamwechete nekuzoidyara zvakanaka (the right seed + good agronomic practices).

Seed Co inouchika mbeu dzinonzwisisa mamiriro ekunze (climate smart), dziine chipo chekushingirira kuzuva (drought escape & tolerance), uye dzichipa goho repamusoro (high yields).

Pakurima, kune zvinhu zviviri zvinoita kuti varimi varime zvine pundutso, zvinoti sarudzo yembeu nekurima zvakanaka mumunda. Nhasi tinoda kukurukura maringe nekukosha kwekusarudza mbeu zvine hungwaru.

Pakusarudza mbeu, zvakakosha kuti varimi vazive zviga zvinobatsira kuti vawane mbeu inoenderana nenharaunda yavo (region).

1) Chokutanga, varimi vanofanira kucherechedza huwandu nemanairo emvura izvi zvakakosha pakusarudza mbeu nokuti ruzivo urwu rwunobatsira varimi pakusarudza mbeu inosvika pakuibva isina kuomerwa kana kushaya mvura pazvikamu zvakakosha zvekukura

2) Kukwirira kana kudzikira kwakaita nharaunda kubva kugungwa (altitude)

3) Huwandu hwemadzinde achada kuiswa pandima, izvi zvakakosha nekuti goho rinobva pazvinhu zviviri: a) padzinde uye b) pandima.
Mbeu dzinosiyana pakukura. Dzimwe dzine mhumhu mupfupi setsuro dzinogona kudyarwa nemadzinde akawanda kupfuura 60 000 pahekita imwe chete.

4) Huwandu hwemafetireza, mbeu dzinopa chipo chegoho repamusoro dzakaita seNzou SC 727 kana 719 dzinoda kudyara nemafetireza akawanda kuti dzisvitse goho rinotarisorwa

5) Mhando yezvirwere zvinonetsa kumbesa yakakosha pakusarudza mbeu nekuti murimi anokwanisa kusarudza mbeu dzakauchikwa nenyanzvi dzinenge dziine ushingi kana chipo chekusabatwa nezvirwere (disease resistance & tolerance).
Mbeu dzeSeed Co dzinozivikanwa nemazita emhuka anoti Tsuro, Tsoko, Mbizi, Shumba neNzou. Izvi zvakaitirwa kuti varimi varerukirwe pakurangarira nekusarudza mbeu panguva yekutenga. Zvikamu izvi zvinoibva pamazuva akasiyana, nokudaro zvinoda mvura ine huwandu hwakasiyanawo kusvika pakuibva.

Wendy Madzura murimisi kuSeed Co uye anobatika pa0773 270 080

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>