Kuzvikanga nemafuta senguruve

22 Oct, 2020 - 08:10 0 Views
Kuzvikanga nemafuta senguruve

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

NGURUVE inozivikanwa semhuka ine mafuta akawanda. Naizvozvo, vanobika nyama yenguruve vanoziva kuti pakukanga nyama yacho, unoshandisa mafuta enguruve iyoyo. Izvi zvinorerutsa basa remubiki.

Asi nguruve kuti isvike pakuita mafuta akawanda kudaro zvinobva mukudya zvinhu zvakawanda isingasarudze. Haineyi nekuti dzimwe nguruve dzadya here kana kwete.

Zvechikafu zvikanetsa, nguruve inogona kutodya vana vayo. Hunhu hwenguruve uhwu hunowanikwa mudzimba dzedu, mumakambani, kana mumatunhu atigere. Vanasamusha, sabhuku kana sadunhu vanotora zviwanikwa zvose dzamara pasisina chekutora. Kana ari mabasa, vanotora ose epamusoro vachipa vehukama zvisineyi kuti ikambani yeveruzhinji.

Chavasingade ndechekuti asiri wehukama haafanire kuwana chakanaka. Hazvineyi kuti wehukama uyu ari kunzi apihwe basa guru-guru akarasa pfungwa kana kuti haatozivewo zvaanoita, anonzi achaitirwa basa nevariko avo vanorigona.

Zvino, hakuna chinhu chakaoma sekugara pabasa uchinzi ndiwe mukuru iwe usingazive zviri kuitikapo. Hapanazve chinhu chakaoma sekutenderedzwa nevehukama hwako nokuti zvese zvinoitika pabasa havagone kukudzora nokuti vanotofanira kuwirirana nezvaunoda iwe. Vakarega kuwirirana newe, unovayeuchidza kuti vakauya pabasa apa sei?

Zvino musi mumwe chete gava parinodimbura musungo, iwe uchazvikanga nemafuta ako. Iwe nevehukama hwako mese muchasairirana nyaya, muchanyadzisana, muchafumurwa paruzhinji, muchaita chisungo chinoshoresa. Mhedzisiro muchadzokera kuya kwamakabva, muchazvikanga nemafuta enyu senguruve.

CHENJEDZO:

Zvinhu zvose zvatinoita zvisina kujeka, tiri kuzvikanga nemafuta edu. Kana vanhu vachiridza mhere pamusana pako, chimbotora mukana mudiki kuti uone kuti sei vanhu vari kugarozhamba newe, pmawe uchawana chikonzero.

Tichafarisa, tichapfuudzira mwero, tichati hapana zvavangatiite, tichati tisu tine yese, tichati vanhu vese vari pamusha uno vakapusa, asi zvamuri kuita izvi zvakamboitwa kare. Vamwe vakatozvikanga nemafuta avo, ndosaka muchiona vanhu vachikutarisai zvavo imi muchiona sekuti vari kuchochora zvamuri kuita pamusha.

Kunyarara kwavo inyevero huru kwamuri, asi imi hamuterere kunyarara uku, munongoterera ruzha rwenyu nevehukama hwenyu. Zvino chenjerai kuzvikanga nemafuta enyu.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:wedzerainh

@yahoo.com>

Share This:

Sponsored Links