KwaNyava vobairwa zani neSeed Co

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
KwaNyava vobairwa zani neSeed Co Varimi vakabva mumabhuku gumi, nevarimisi vakatereresa zvidzidzo zvavaipakurwa nenyanzvi dzekuSeed Co.

Kwayedza

Rabson Musumudziwa
VARIMI 62 vemunharaunda yekwaNyava, kwaMambo Musana, vakawana ruzivo rwunokosha pakurimwa kwemiriwo yakasiyana kubva kunyanzvi dzekambani inouchika mbeu zvemandorokwati, yeSeed Co.

Varimi ava vakabva mumisha gumi iri munzvimbo yekwaNyava inoti Nzvere, Rukainga, Matange, Mutami, Dunduru, Kapfumba, Tanhira, Mangezvo, Gatsi naMabika. Varimi ava vaiva nerutsigiro rwevarimisi vanoti Machakanja, Muchenje naHwengwere vamuWard 15.

Zvidzidzo izvi zvakaitirwa pabindu rinokwana hekita nechidimbu raVaBornwell Mponda mubhuku rekwaNzvere. Mhando dzembeu dzakadzidzwa nezvadzo dzaisanganisira repu, makabichi, madomasi nemagaka.

Munamato waitwa, vanhu vakagamuchirwa naSabhuku Nzvere, VaEdwin Nzvere. Vakati zvinhu zvaitwa neSeed Co mumusha mavo zvitsva sezvo zvange zvisati zvamboitwa. Vakakurudzira varimi kugoka ruzivo urwu kuitira budiriro yemhuri zvichizosimudzirawo nharaunda uye upfumi hwenyika.

VaSimbarashe Gotosa, avo vanova mukuru anoona nezvekushambadzwa nekutengeswa kwembeu mukambani yeSeed Co vachibata matunhu anoti Mashonaland Central, Mashonaland East, Manikaland neMasvingo, ndivo vakavamba nokutaura zvinangwa zvezuva iri. Vakati tswanda yeSeed Co ine mbeu dzose dzava kusanganisira dzemiriwo iyo yakakosha kuutano hwevanhu.

Vanoti varimi vava kufanira kufambirana nenguva nokurima zvine hunyanzvi vachirimira kutengesa, uye kwete kuzotanga kutsvaga musika pava paya.

Vakabva vangopa chimuti kumukuru anoona nezvekuvandudzwa kwembeu dzemiriwo (Product Development Manager), VaKudakwashe Mashanda. VaMashanda vakasimbisa shoko rekuti varimi varime mbeu dzemhando yemaHybrids vachiti dzinopa goho rikakura kana zvichienzaniswa nedzavanoti dzemusvinirwa, idzo varimi vanga vachimhanya nadzo.

Vakaenderera mberi vachiti mhando yemahybrids ine hunaku hunodiwa pamisika yose zvayo.

Vakaenderera mberi vachiti zvakakoshawo kutarisa goho padzinde remuriwo uyewo pandima sekuti pahekita vanoti ndopanobva goho remurimi. Vakati kutaranganisa mbeu zvakanyanya unoguma wava nemadzinde mashoma, woshora kuti kurima muriwo hakubhadhare. Vakapa muenzaniso wekuti hekita yemuriwe wekabichi madzinde zviuru makumi matatu nematatu kana kusvika zviuru makumi mana zvichibva kuti musika unoda akakuwuka zvakadini.

Vanoti semuenzaniso, ukarima makumi matatu nematatu wotengesa rimwe kana chumi imwe, unenge watova nezviuru makumi matatu zvemadhora, inova ndiyo budiriro pakurima muriwo.

VaTato, avo vanotungamira pabindu panoitwa tsvakurudzo nebudiriro (Trials Manager) vachishandira kuStepleford ndivo vakazopakurawo avo mashoko kuvarimi. Vakakurudzira varimi vose kuongororesa ivhu ravo kuti vazive mhando nehuwandu hwefetireza kuti vawane goho nehunaku kubva pambesa dzakasiyana dzemuriwo.

Vakaudza varimi kuti zvakakosha kuita mihomba yakafara mita imwe vachiti kubva pakati pemuhomba wekutanga kusvika pakati pewechipiri, panofanirwa kuita mita nechidimbu, zvichireva kuti panosara nzira chidimbu chemita.

Varimi vakadzidzi kumwaya lime pamwe nekutara mitsetse yekudyara nhondo. Mumwe nemumwe wavo akapihwa mukana wokudyara muriwo weRepu inonzi Rampart iyo inozivikanwa nekupa mashizha marefu uye akapfava samare inogadzirwa neSeed Co. Rampart yaisiyaniswa kubva pamutsara kuenda pane unotevera nerura imwe, zvimwe chete kubva padzinde kuenda pane rimwe. Muhomba waiita mitsara mitatu.

VaTato vakapedzisa vachiti zvakakosha kumwaya mishonga inouraya gonye rinodambura zvichangosimwa rinonzi Cutworm.

Zvidzidzo zvakapera tikawana manzwi ekutenda kubva kunaSabhuku Gutsa, VaLovemore Mukanganise.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>