Macheso anzi nedare abhadhare US$150 yekuchengeta vana vake 5

13 Apr, 2023 - 18:04 0 Views
Macheso anzi nedare abhadhare US$150 yekuchengeta vana vake 5 Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare aendesa aimbove mudzimai wake kudare achiti anoda kuti abhadhare US$420 yemendenenzi pamwedzi yekumubatsira kuchengeta vana vavo vashanu avo ari kugara navo.

Alexander Sixpence amhan’arira Grace Macheso kuHarare Civil Court achiti haazi kumubatsira kuchengeta vana vavo kunyangwe zvazvo achiwana mari inosvika US$800 pamwedzi.

“Apo takasiyana nemudzimai uyu, ndini ndakapihwa vana kuti ndigare navo, iye haadi kugara nevana uye chaanogona kuita zvechipfambi chete. Mari yekubhadhara malodge haaishayi, kutaura kuno vana vose vari vashanu havasi kuenda kuchikoro asi amai vavo vanoenda kubasa.

“Inini ndakakuvara makumbo, ndingadai ndichibatsirawo zvino handisi kuenda kubasa pari zvino,” anodaro Sixpense.

Anoenderera mberi achiti: “Mudzimai uyu haana kana shungu nevana, akatoita kuramwa chaiko handizivi kuti akapindwa nei. Pamwe pacho tinorara tisina kana kudya, mari yandiri kuda dai yasvikawo paUS$420 nekuti ndiri kuremerwawo.

“Ndinozviziva kuti anoikwanisa nekuti apo taishanda tose musaloon taitobhadhara zvinhu zvinosvika US$820. Iye anogadzira nzara uye ndini ndakamudzidzisa basa irori.”

Achipawo divi rake, Macheso anoti mari iri kudiwa naSixpence yakawandisa sezvo basa rekugadzira nzara riine makasitoma mashoma kupfuura rekugadzira musoro.

“Pamwedzi ndiri kuwana mari iri pakati peUS$100 neUS$200 saka mari yavari kutaura yakawandisa,” anodaro.

Mutongi Sharon Mashavira vakati Macheso abhadhare US$150 yekubatsira kuchengeta vana vake.

Macheso haana kuzoroorwa zvakare uye haana vamwe vana naizvozvo dare rakati semubereki, anofanirawo kuchengeta vana achibatsirana naSixpence.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>