Madhumeni omhanya neICT

02 Nov, 2022 - 14:11 0 Views
Madhumeni omhanya neICT

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MADHUMENI mashanu kubva kumativi mana enyika ari pasi pebazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa vakawaniswa zvitupa svondo rapera mushure mekupedza zvidzidzo zvekurima izvo vakaita pamasaisai kuti vazokwanisa kubatsirana nevarimi nenzira iri nyore pasina zvekushanyirana kuminda.

Vakapinda muchikamu chekutanga chechirongwa ichi ndiTiisetho Mashila wekuMatabeleland North, McDonald Nyamuno (Midlands), Ennie Murungu (Mashonaland West), William Mushanawani (Manicaland) naLovemore Mwanonoka wekuManicaland zvekare.

Madhumeni aya akabudirira muzvidzidzo zvekurimwa kwemiriwo nemaruva (horticulture), kutora kurima sebhizimusi uye kuchengetedzwa kwezvipfuyo.

Mubairo mukuru weBest Recruiter Award wakaenda kunaMai Evelyn Ndoro vanova provincial director wezvekurima kudunhu reMashonaland West.

Madhumeni aya akawaniswa mibairo yemari uye masaga echibage pamumwe nemumwe wavo.
Mibairo iyi yakavapo nerutsigiro rwakabva kumakambani anosanganisira Cashel Valley neFertilizer Seed Grain.
Munyori mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa – Dr John Basera – vanopembedza madhumeni aya mukukurumidza kugona kushandisa ruzivo rweindaneti mumabasa ekurima.

“Chirongwa cheIn-Service Training App chakavapo nedonzvo rekusimudzira varimisi nekuti ndivo vanozokusha mashoko kwawo kuvarimi vose kuti nyika ive negoho rakanaka uye zvipfuyo zvinokura zvakanaka pasina kutambudzwa nezvirwere,” vanodaro Dr Basera.

Vanoti kuti nyika ikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvayo zveVision 2030 zvekuva nepundutso munyaya dzekurima, madhumeni anofanira kuwaniswa ruzivo rwakazara mumabasa avo.

“Varimisi vedu takavawanisa zvidzidzo zvemwedzi mitanhatu zvinova zvakava nepundutso sezvo vakapasa zvinonwisa mvura. Zvidzidzo izvi zvinoita kuti vakurukure nevarimi paindaneti pasina zviya zvekushanyirana kuminda.

“Saka ruzivo rwechizvino-zvino rwunorerutsa panhau dzezvekufambisa uye kuderedza mikana yekurasikirwa nenguva,” vanodaro.

Dr Basera vanoti chirongwa ichi ndechimwe chezvikamu zvekumutsiridza nyaya dzekurima pasi peAgricultural Recovery Plan iri maringe nekusimudzirwa kwevarimisi.

Madhumeni akawaniswa zvitupa izvi anoti anofara nekuti vava kufambirana nenguva, zvikuru mukushandisa ruzivo rwechizvino-zvino rweindaneti izvo zvichaita kuti basa ravo rive nyore.

Munguva pfupi yadarika, Hurumende yakapa rutsigiro rwemidhudhudhu 6 000 kumadhumeni kuti varerukirwe apo vanofamba vachiita basa ravo. Zvichakadai, Hurumende iri kuda kuona kuti madhumeni ose awaniswa makombiyuta madiki (tablets) ekushandisa mubasa iri vachienda paindaneti.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>