Makoreji ezvekurima ovandudzwa

31 May, 2019 - 00:05 0 Views
Makoreji ezvekurima ovandudzwa Prof Murwira

Kwayedza

Natasha Kokai naGeraldine Zaranyika
HURUMENDE ine hurongwa hwekuti makoreji anodzidzisa zvekurima avandudzwe kuitira kuti abure vadzidzi vanozadzikisa chiono cheVision 2030 chekusimudzira upfumi hwenyika sezvo kurima kuri iko hwaro hwebudiriro yeZimbabwe.

Mashoko aya akataurwa negurukota rebazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina Professor Amon Murwira pamabiko eZimbabwe Manpower Development Fund (Zimdef) akaitwa muHarare nguva pfupi yadarika.

Prof Murwira vanoti zvakakosha kuti makoreji ezvekurima atsigirwe zvizere munyaya dzezvemari.

“Makoreji ezvekurima ari munzira yekuti ange achive akarongeka zvikuru. Tinoda kuti ave chikamu chedzidzo yedu yepamusoro zvichienderana nechizvino-zvino. Parizvino, pane gwaro richazoda kuitwa mutemo (Bill) richiri kunyorwa uye zvibereko zvacho zvinotarisirwa munguva inotevera,” vanodaro.

“Zvirongwa izvi zvakakosha kuitira kuti tibure vadzidzi vane ruzivo rwepamusoro-soro avo vanobatsira kuti tizadzikise zvinangwa zvedu zveVision 2030,” vanodaro

Prof Murwira vanoti Zimdef yakakosha zvikuru munyaya dzekusimudzira hupfumi hwenyika.

“Zimdef yakakosha mukuona kuti indasitiri yawana vanhu vakadzidzira mabasa kuburikidza nekutsigirwa kwezvirongwa zvakasiyana zvekusimudzira hunyanzvi hwevashandi mumabasa avo,” vanodaro.

Vanoti Hurumende iri mushishi yekuvandudza dzidzo kuitira inge ichibura nyanzvi dzezvemaindasitiri akasiyana.

 

Share This:

Sponsored Links