Makuwerere kuChibuku neShamwari

07 Aug, 2022 - 09:08 0 Views
Makuwerere kuChibuku neShamwari Mai Patricia Murambinda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GADZIRIRO dzemakwikwi eChibuku Neshamwari Dance Festival National Final dzave padanho repamusoro apo zvikwata kubva kumatunhu ose enyika zvichakwikwidza muHarare Gardens nemusi wa13 Nyamavhuvhu.

Mai Patricia Murambinda, avo vanova general manager (corporate affairs) kukambani yeDelta Corporation, vanoti pazuva iri zvakare pachaitwa makwikwi eChibuku Big 60 Promotion Grand Draw apo vanhu vana vanova nyanzvi mukutenga nekunwa doro reChibuku vachahwinhiswa motokari dzemhando yeNissan Navara Single Cab.
“Tiri kutarisira kuti pachava nemufaro mukuru pazuva iri apo tichasarudza vachakunda mumakwikwi aya,” vanodaro.

Mai Murambinda vanoti chirongwa cheChibuku Road to Fame chadzoka mushure mekumbomira kwemakore maviri zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19 icho chakakanganisa mabasa mazhinji munyika.

“Tiri kushanda nevatsigiri vedu vakadai seNational Arts Council of Zimbabwe mukusarudza nyanzvi dzemitambo nekutandadza tichisimudzira zvipo zvri mavari. Kubvira nemusi wa6 Nyamavhuvhu kusvika 1 Gumiguru, tichamhanyidzana nechirongwa cheChibuku Road to Fame pasi pedingindira rinoti ‘Jambisa Asingajambe! Vusa Abelele!'” vanodaro.

Vanoti vachakunda mumakwikwi aya vachapihwa mibairo yemari uye kutsigirwa nemakondirakiti ekutsikisa mabasa avo.
Vamwe vevaimbi vane mukurumbira vakatsigirwa pasi pechirongwa cheChibuku Road to Fame vanosanganisira Romeo Gasa (2007), Adequate Sounds (2016), The Travellers (2017) uye Dentity (2019) avo vakakwanisa kutsikisa mimhanzi yavo.

Share This:

Sponsored Links