Makuwerere neSeed Co kuZaka. . . varimi vakadzidziswa zvakawanda

17 Apr, 2019 - 15:04 0 Views
Makuwerere neSeed Co kuZaka. . . varimi vakadzidziswa zvakawanda VaChakona vachitaura nevarimi.

Kwayedza

Bright Musakanda
KWAISADANWI anonzwa kuChipinda Ward 1, kuZaka mudunhu reMasvingo nemusi wa10 Kubvimbi apo varimi vemuZaka vakakoromoka kuzodzidza nekupembera hunyanzvi hwekurima (field day) pamba paHonourable Chakona.

Zuva revarimi iri rakarongwa nekambani inozivikanwa nehunyanzvi hwekuuchika mbeu dzemuminda (grain seeds) nedzemumabindu (horticulture seeds) yeSeed Co pamwe chete naVaChakona. Gungano iri rakakutwa nemukuru wevarimisi muZaka VaPedzisai vanova ivo vaiva muyenzi mukuru, Mambo Chipinda naEastern region manger weSeed Co, VaSimbarashe Gotosa.

Vezvitoro zvinotengesa zvekurimisa vakaita seMasvingo Farm Supply vakatsigirawo mutambo uyu pamwe chete nekambani yeNetOne.

Varimi vakatanga nekuenda kumunda kunoona chibage cherudzi rweSC 727 icho chakarimwa naVaChakona. Varimi pavakasvika mumunda vakaratidza kukatyamadzwa nekuyemura mahupi echibage chaiva mumunda. Kwaiva kuri kudya kwemeso nekugutsurira misoro nekuti munda wese wemahekita mashanu miguri yacho yakakura zvekuinzana neruoko kubva pagokora kusvika pachanza.

VaChakona vakatsanangura marimiro avakaita, mafotireza avakashandisa, madyariro, mishonga yavakaisa nezvibingamupini zvavakasangana nazvo.

VaGotosa vakatanga nekutenda varimi nekuuya nehuwandu hwavo kuzodzidza nezvekurima. Vakati chakakosha pazuva iri kuzadza ruzivo rwekurima mumisoro kwete kuzadza chikafu mudumbu mumusoro musina zvapinda.

VaGotosa vakadzidzisa vanhu marimirwo anoitwa chibage kubva kumagadzirirwo evhu (land preparation), madyariro, uwandu hwemadzinde pandima (plant population), mishonga yesora neudyi uye kukosha kwekuziva mbeu yekudyara.

Vakaenderera mberi vachiti goho rinotangira pasarudzo yembeu yekudyara. SC 727 imbeu inogona kusvika goho rematani 21 pahekita, ichitora mazuva 155 kusvika 160 kuti iibve. Inoshingirira muzuva ichirimika mumaRegion 1, 2 ne3 muZimbabwe nemumadiridziro.

Mbeu iyi inoshingirira kuzvirwere zvakaita semaize streak virus, grey leaf spot, phaesopheria leaf spot, northern corn leaf spot necommon rust. Inoita midzi yakadzika uye yakawanda zvinova zvinokonzera kuti isakurumidze kuwira pasi painenge iri mumunda. Rnoita muguri/hupi inoreba kusvika pa32cm richiita tsanga dzinosvika ku900 pamuguri.

Chibage chacho chakanaka kune vanoda kutengesa  chiri chinyoro kana kuchigaya chiri chinyoro (silage).

VaGotosa vakapedzisira nekukurudzira varimi kuti vave nehushamwari hwakasimba nemadhumeni kana kuti varimisi vavo. Vakakurudzirawo varimi kuti vaiite crop rotation kuburikidza nekurima mbeu dzemumagadheni (horticulutural crops). Izvi zvakatsigirwa zvakanyanya naVaMusakanda (sales agronomist weMasvingo).

Vakaenderera mberi vachiti nguva ino yechando yatava kupinda, varimi vanogana kurima gorosi, makabichi, rape, peas, hanyanisi, carrots kana madomasi (kune vari munzvimbo dzisingarovi chando) uye mbeu dzese idzi dzinowanikwa kuSeed Co. Izvi zvinoita kuti murimi awane mari gore rese kwete kungomirira mari inobva muchibage chete.

Mukokwa mukuru pagungano iri, VaPedzisai vakapembedza kubatana kana kuti hochekoche iri pakati pevarimisi nekambani yeSeed Co. Vakakurudzirawo varimi kuti vatore zvakanaka zvavakaona paVaChakona vonozviitawo kuminda yavo.

Mambo Chipinda vakapupura kuti havasati vamboona mahupi echibage akakura kudaro mudunhu mavo sezvakanga zvakaita aVaChakona. Vakatenda veSeed Co naVaChakona nekudzidzisa vanhu vemudunhu mavo kurima zvine hunyanzvi.

Bright Musakanda murimisi weSeed Co kuMasvingo. Anobatika panhare dzinoti 0713 306 020

Share This:

Sponsored Links