Mambo vochema nembavha dzemombe

25 Oct, 2023 - 11:10 0 Views
Mambo vochema nembavha dzemombe Dambudziko rekubiwa kwemombe rinonzi rakura kudunhu raMambo Chihota, kuMarondera.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUBIWA kwemombe kwaChihota, kuMarondera, kunonzi kwasvika padanho rakaipisisa izvo zvadzosera kumashure mabasa ekurima kunzvimbo iyi.

Mambo Chihota, VaRaphael Ngoni Chigodora, vanoti mudunhu ravo mune mbiri yekubiwa kwemombe nezvimwe zvipfuyo izvo zviri kuramba zvichiwedzera.

“Munyika yose tinonzwa mapurisa vachitaura nguva nenguva nenyaya yekubiwa kwemombe, asi kuno kwedu zvinoratidza sezvanyanya, hamheno pamwe zviri kuitikawo kunzvimbo dzevamwe. Tarwadziwa kuno nenyaya dzekubiwa kwemombe, varimi vadzoserwa kumashure mumabasa nekuti mombe tinodzirimisa, tichiwanawo manyowa nekudziitisa mabasa akasiyana pamisha,” vanodaro mambo ava.

Mambo Chihota vanoti vanogara vachipihwa mashoko ekubiwa kwemombe nembudzi mudunhu ravo uye vari kushanda nemapurisa mukurwisa dambudziko iri.

“Tinotenda Hurumende nechirongwa chePfumvudza nekuti varimi vanochera makomba, voisa manyowa emurakwani nedzimwe mhando mumakomba iwaya. Asiwo zvakadaro, mombe dzinodiwa pakurimisa, kuwanisa manyowa nekuitisa mamwe mabasa epamisha. Zvino dzapera kubiwa nembavha uye dzimwewo dzakafa nezvirwere.”

Mambo Chihota vanoti semadzishe varipo kuchengetedza vanhu nepfuma yavo kuti hurombo husapinde mumisha.

“Ini ndiri mambo wechi17, ndaingonzwawo nhoroondo yekubiwa kwemombe muno kubva kumashure uko. Asi kubva pakutonga kwehushe hwedu, dambudziko iri rasvika pakaomarara sezvo tisingapedze masvondo maviri pasina mashoko ekubiwa kwemombe. Zvinoratidza kuti humbavha uhwu hune chekuita nevanhu vemudunhu mangu vanodyidzana nemakororo anobva kuHarare, kuMarondera nekumwewo avo vanotakura mombe dzauraiwa nedzimotokari,” vanodaro.

Mambo ava vanoenderera mberi vachiti: “Tine hurongwa nemasabhuku angu kuti musha woga-woga uve nemakomiti anochengetedza zvipfuyo, vanoona vanhu vose vanopinda munharaunda vasinganzwisisike. Komiti iyi inoshanda nemapurisa emumisha neeZRP kuitira kudzivirira kubiwa kwemombe.”

Inspector Simon Chazovachiyi, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, vanoti vari kushanda nemadzishe nemasabhuku vedunhu iri kuitira kurwisa kubiwa kwemombe.

Insp Chazovachii

“Zvichitevera kubiwa kwemombe mudunhu reMashonaland East, tiri kushanda nemadzishe nemasabhuku ose nerumwe ruzhinji kurwisa dambudziko iri. Tine vanhu vakawanda vari kusungwa vaba mombe kubva kwaChihota, kwaSeke, kuHwedza, kwaMutoko, kuMudzi, kuDomboshava, kuBeatrice nekumwe mudunhu redu reMashonaland East. Tine vazhinji vakatoenda kumajeri nekuda kwemhosva dzekuba mombe,” vanodaro Insp Chazovachiyi.

Share This:

Sponsored Links