Mamvemve haana kumubatsira

31 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Janet Chikotosa
SAMUSHA vekuda kunzvenga kubhadhara mendenenzi apo vainyepera kunge rombe nekuuya kudare vakapfeka marengenya kana kuti mamvemve pamwe nekuita sematsi vakazoigochera pauhutsi zvichitevera kufumurwa kwavakaitwa nemukadzi wavo.

Danise Zhuwawo akamhan’arira Givemore Mazviziva kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta vana vavo.

“Vakuru vedare, ndinokumbirawo mari yemendenenzi kubva kuna baba vevana vangu ava. Vanoita basa rekugeza mota vachiwana mari yakawanda.

“Kupfeka mamvemve kwaakaita uku nekunyebedzera kunge matsi haasiriwo magarire ake, kuda kuti dare rimunzwire tsitsi asabhadhare mendenenzi.

“Haazive kuti vana vanodyei, kupfeka uye mari yevana yechikoro haabvisi. Ndakamboedza kutaura naye takatadza kunzwisisana,” akadaro.

Mazviziva akaudza dare kuti haakwanise kubvisa mari yaidiwa nemukadzi wake nekuti haashande. Ini handiende kubasa changamire wangu.

“Ndinotochengetwawo nevabereki uye ndine chirwere cheshuga. Zvekugeza mota zviri kutaurwa izvi ndakasiyana nazvo kudhara.

“Ndingatokwanisa $15 chete pavana vaviri ava,” akadaro Mazviziva achiswededza nzeve pedyo nemutongi kuitira kuti anyatsonzwa semunhu aizviti ndimatsi.

Mutongi Gamuchirai Siwadi akati Mazviziva abvise $50 pamwedzi yekuchengeta vana vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>