MAONERO EDU: Endai kuchipatara denda risati rakura

09 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
MAONERO EDU: Endai kuchipatara  denda risati rakura PORTIA Tapfumanei. - Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

SVONDO rino tine imwe nyaya, iyo inoburitsa pachena kuti veruzhinji vanoda dzidziso yakasimba yekuti vaendese varwere kuzvipatara pamwe nemakiriniki kana vachinge vasangana nehurwere.

Nyaya iyi iri pamusoro pevakadzi vatatu vanoti wekuNorton, wekuHighfield, muHarare newekuDomboshava – avo vose vakaita makore vakazvimba matambu avo zvakanyanyisa apo vaifungira kuti vakaroyiwa kana kuti zvine chekuita nechivanhu.

Mushure mekunge Kwayedza yaita ndiyo yekutanga kuburitsa matambudziko evatatu ava, vose vakazonoponera kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital uko vakavhiiwa pasina muripo.

Bepanhau reKwayedza rakabuditsa pachena matambudziko aisangana nevakadzi ava kunyangwe zvazvo pakutanga vakange vasingade kuti nyika yose izive kuti ndizvo zvavaiva.

Asi nekuda kwekubuda kwavakaita munhau, nhasi uno vaka zvigwindiri sezvo vava kurarama pasina matambudziko.

Sekutaura kwemadzimai matatu aya, pakutanga vaifunga kuti vakaroyiwa izvo zvakaita kuti vapedze nguva, mari pamwe chete neupfumi hwemhuri dzavo vachifamba kudzin’anga nemaporofita asi hapanai chiyamuro chavakawana sezvo matambudziko avo akatowedzera. Zvaingoda kuchipatara izvi!

Nhasi uno vakadzi ava vava ana mutsika panotinhira, zvigwindiri chaizvo, nekuda kwebepanhau rino nechipatara cheChitungwiza. Vave kukwanisa kushandira mhuri dzavo uye munhu akaona mifananidzo yavo iri mupepanhau rino – apo vakange vasati vavhiiwa nezvavari parizvino – anogona kuramba kuti ndivo nekuda kwemusiyano mukuru wavepo.

Chinofadza ndechekuti vakadzi ava vari kupupura voga kuti zvakakosha kuenda kuchipatara kana munhu achinge asangana nedambudziko rehuwere.

Vave kubvuma asi vakaita makore vachizviramba!

Mushure mekunge madzimai aya avhiiwa matumbu avo, kune vamwe vane chitsama vane matambudziko akadai vave kubuda pachena vachienda kunobatsirwa zvakare. Izvi zvinoratidza kuti kune vamwe vanhu vari kugara mudzimba nematambudziko ezvirwere zvinorapika kuzvipatara kana kumakiriniki asi vasingatsvage kubatsirwa nekuda kwekunyara veruzhinji kana kuti kusaziva chaiko, vachingofunga kuti kun’anga nekumaporofita bedzi ndiko kunoponesa.

Hatisi kuti n’anga nemaporofita havabatsire, asi kuti vane zvavanokwanisa, kwoitawo zvimwe zvavanokundikana.

Zvakakosha kuti bazi reutano nekurerwa kwevana pamwe nemamwe masangano akazvimirira vape dzidziso yakasimba kuruzhinji pamusoro pezvakanakira kuenda kunorapwa nguva ichiripo.

Murwere akaenda kunorapwa pachiine nguva zvinobatsira kuti anochimbidza kupora nekuti chirwere chinenge chisati chadingindira mumuviri.

Kudai vakadzi vatatu ava vasina kuzoenda kunovhiiwa kuchipatara, utano hwavo hwaizomira sei? Ivo vari kupupura kuti vangadai vakatofa kare, muchenje wakaita madiro.

Vari kutaura voga kuti vakange vangomirira zuva rekufa nekuti vaive vasisina tariro yekuti vachararama.

Idzowo n’anga nemaporofita ngavarege kungokambira kuti vanogona kurapa zvavasingakwanise, ngavaudze varwere kuti vaende kumakiriniki nezvipatara kana vangoona pasina shanduko nemishonga yechivanhu, kusanganisira mvura dzemiteuro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>