MAONERO EDU: Musangotevera chero maporofita

29 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tine imwe nyaya iri pamusoro pemumwe murume wekuCentenary, kudunhu reMashonaland Central, uyo ari kuzviti ndiye Jesu Kristu mwanakomana waMwari. Iyi inyaya inogona kutorwa sedambe nevamwe asi vamwe vachitotenda zviri kurehwa nemupositori uyu nekuda kwekusiyana kwezvitendero.

Murume uyu, uyo ane chipari chemadzimai, anoti ari kuvaka nzvimbo yaachadaidza kuti Jerusarema idzva uye akapihwa pekuvakira nevamwe vakuru vedunhu iri.

Madzimai ake maviri anotenda kuti zvechokwadi ndiye Jesu uye havasi voga mukutenda uku sezvo kuine vamwe vane chitsama vari kuzvibvuma vachinotsvaga rubatsiro.

Asika, aka hakazi kekutanga kuti pave nemunhu anozviti ndiye Jesu. Makore adarika mumwe murume wekwaMusana, kudunhu rimwe chete iri, mushakabvu Emmanuel Mudyiwa, aizviti ndiJesu zvakare.

Kunze kwevaviri ava, kune mumwe mukadzi wechidiki wekuGuruve, Tepsy Nyanhete (23), uyo ane mwana mumwe chete ari kuzviti ndiJesu zvekare.

Chinoshamisa ndechekuti kune vamwe vanhu vari kutenda kana kuti vari kutevera zvinamato zveavo vari kuzviti ndavanaJesu kunove kurasika, semaonero edu.

Tinodaro nekuti Bhaibheri rinoti maKristu anofanirwa kungwarira maporofita enhema, zvikuru vanouya vachizviti ndivo vanaJesu Kristu.

Bhaibheri zvakare rinoti kana Jesu Kristu odzoka, kuuya kwake kuchaonekwa nemunhu wose pasi rose. Zvino ko ava vanozviti ndivo vanaJesu ndivana ani uye vanobvepi?

Semaonero edu, vanhu vakadai ava imbavha, matsotsi chaiwo uye vanofanirwa kungwarirwa.

Hongu zvakanaka kuti vanhu vanamate asi hazvidiwoka kungotevera zvose-zvose. Nhasi uno vamwe vari kuti vana ngavarege kuenda kuzvikoro nekuti nyika yave kuguma kunove kukanganisa.

Matsotsi ari kunyengedza vanhu ava haawanikwe muZimbabwe chete asi kuti pasi rose. Semuenzaniso, kunzvimbo yeTshwane, kuSouth Africa, svondo rapera kune mumwe mufundisi wechechi yeEnd Times Disciples Ministries anonzi akaparidza vanhu vaive muchechi yake vakapedzisira vave kubvisa hembe vachisara vari musvo vachinzi vakange vave kunzwa kupiswa zvakanyanya zvichinzi izvi zvaikonzerwa nesimba remweya mutsvene.

Mufundisi uyu anonzi akati kubvisa kwaiita vanhu hembe ndiko kuporeswa kwavaiitwa kubva kuzvirwere.

Manamatiro hwai akadai, ekuti vanhu vanopedzisira vabvisa hembe? Zvina Mwari here izvi?

Yakwana nguva yekuti vanhu vapepuke, varege kungotevera wose-wose anozviiti muporofita nekuti vakawanda vavo matsotsi.

Mufundisi mumwe chete wekuSouth Africa uyu ndiye zvakare akamboita kuti vatendi vake vafure sora semombe nguva yadarika achiti ndizvo zvaidiwa nemweya mutsvene. Kufura sora kunei nekunamata?

Zvakakosha kuti veruzhinji vasangotevera machechi ose-ose nekuti mamwe matsotsi ari kudya zvemarema.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>