Maonero Edu: Mwana ndewako, mupinze chikoro

12 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Maonero Edu: Mwana ndewako, mupinze chikoro

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya yakaitika pane chimwe chikoro chiri kuEpworth, yemubereki anonzi akarova mukuru wechikoro pamberi pevana nevadzidzisi mushure mekunge vatadza kunzwanana. Mukuru weDomboramwari Primary School anonzi akarohwa apo vana vaviri vemubereki uyu vakakanzurwa mu”registar” sezvo vakange vave nenguva yakareba vasingaende kuchikoro uye pasina zvikonzero zvakati tsvikiti zvakange zvichipihwa nevabereki vavo. Vana vaviri ava vanonzi vange vasingabhadharirwe mari yefizi kwenguva refu.

Hunhu hwakaitwa nemubereki uyu hunoshoresa zvikuru nekuti hapana chikonzero chakaita kuti aite mhirizhonga pachikoro ichi. Ndechipi chidzidzo chaanopa kuvana vechikoro nevamwe vadzidzi kana achirova mukuru wechikoro ivo vakatarisa? Zviri pachena kuti mubereki uyu akatora mutemo akaisa muhombodo yake saka aifanira kunge akasungiswa nemapurisa akanomiswa pamberi pematare edzimhosva otarisana nemhosva yake. Mubereki uyu anofanira kutenda zvikuru mukuru wechikoro ichi nekunzwisisa kwake sezvo asina kuda kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Tinodaro nekuti kudai pari zvino ave kudya refovhoro nekuti zvaakaita hazvikurudzirwe. Ibasa remubereki wose kubhadharira mwana kana kuti vana vake mari yechikoro. Ndiyani waanoda kuti apinze mwana wake chikoro iye aripo asi asina chaari kubatsira nacho?

Vabereki vanofanirwa kuziva kuti vana ndevavo saka ikodzero yemwana kupinzwa chikoro nemubereki. Zviya zvekungoda kumirira kupinzirwa vana chikoro neHurumende asi iwe mubereki usina chainobatsira nacho hazvina kunaka. Mwana ndewako saka pinza woga chikoro! Kana mubereki asingakwanise kubhadhara mari yechikoro nenguva anofanira kuenda kunoita hurukuro nemukuru wechikoro voronga kuti ingabviswe zvishoma-zvishoma sei kusvikira yakwana.

Izvi ndizvo zvinonzi zvakange zvanzi mubereki wekuzorova mukuru wechikoro uyu aiite, asi iye haana kuda kudzamisa pfungwa dzake sezvo anonzi munhu ane marambadoro.

Hurumende payakadzika mutemo wekuti vana vechikoro vasadzingirwe kusabhadhara mari haina kuti vachidzidza mahara. Mari yefizi ngaaibhadharwe kuitira kuti pave nemari yekushandisa mukusimudzira zvichikoro. Zvakakoshawo kuti vakuru vezvikoro nemasangano anomirira vabereki, emaSchool Development Committees, vashandise mari ye”levy” pamwe nefizi nemazvo. Tinodaro nekuti gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti vari kushushikana zvikuru nekusashandiswa zvakanaka kuri kuitwa mari dzechikoro nevakuru vezvikoro nemaSDC akawanda munyika. Dr Dokora vanoti bazi ravo rakatotumira vaongorori vezvemashandisirwo emari kuzvikoro zvinosvika chikamu che80% chezvikoro 8 179 zviri munyika kuti vaongorore mashandisirwo ari kiuitwa mari. Vanoti vakuru vezvikoro nemaSDC vasiri kushandisa mari dzechikoro nemazvo vari kusvibisa zita rebazi ravo.

Dr Dokora vanotizve avo vachabatwa kuti vari kushandisa mari iyi zvisirizvo vacharangwa nemutemo. Tinogashira nemawoko maviri ongororo iri kuitwa muzvikoro iyi pamusoro pemashandisirwo emari.

Tinodaro nekuti mari iyi inofanira kushandiswa mumabasa ekusimudzira dzidzo kwete kuti iende muhomwe mangana. Asi zvakadaro, mubereki farira kupinza mwana wako chikoro. Bhadhara mari!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>