MAONERO EDU: Unowana chii nekuuraya?

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

SVONDO rapira takaburitsa nyaya mbiri dzemabasa akaipa zvikuru anoitika munharaunda dzatinogara. Nyaya idzi dzaiva pamusoro pemumwe mukadzi nekamwe kasikana vekwaZimunya, kwaMutare, avo vaitongwa kudare ramambo weko nemhosva dzekuroya vamwe vanhu vavanenge vagere navo. amwe vevanhu ava vakatofa mushure mekunge vashandisirwa mishonga yakaipa.

Svondo rino tine imwezve nyaya nyaya inotyisa zvikuru, naya iri pamusoro peimwe mhando yehuroyi hunonzi hunowanikwa kuRushinga, kudunhu reMashonaland Central. Huroyi uhu hunonzi hunozivikanwa nekuti nzimu uye kana munhu ane huroyi uhu akangomedzera mumwe mate kana kusvipa upenyu hwanyakusvipwa hunenge hwatopera, hanzi anofa pakarepo. Munhu anonzi anofa pasina kana nguva uye asina kana kurwara.

Hongu, huroyi hwagara huriko kubvira nakare – kunyangwe zvazvo kuine vamwe vanhu vasingabvume kuti varoyi variko – asi huroyi hwenzimu huri pamberi. Aroyiwa haarware kana kuitwa chirema – anofa pakarepo.

Vanoziva nezvehuroyi uhu vanoti kupfurwa nepfuti kana kurumwa nenyoka ine huturu kuri nani. Nekuti mumwe musi unokwanisa kupona. Kwete nenzimu! Uhu huroyi hune musiyano.

Chinonetsa ndechekuti, sekutaura kwevanohuziva, vanhu vane nzimu vane ruchiva zvikuru zvekuti vanogona kukuurayira zvinhu zvako. Kana zvipfuyo vanouraya. Huroyi hwese hwakashatisisa nekuti kana ukauraya munhu nekuda kwekuti wachiva upenyu hwake kana kuti zvinhu zvake zvinozokupei? Zvinonzi kuzvikoro zvekudunhu iri, zvinonzi varairidzi havaranga kana kutsiura vana vanobva kumhuri dzinozivikanwa kuti dzine huroyi hwenzimu nekuti vanoziva kuti vanenge vadenha mago.

Vamwe vevana vacho vanonzi vanotozvitutumudza vachiti hapana zvavanoitwa nevadzidzisi vasingazive kuti remangwana ravo ndiro rakakosha uye uyu mudzidzisi basa rake rinenge richitofamba.

Vanhu vane nzimu vanonzi zvakare kana vakafamba nepane guruva hariende pamumbiri yavo, hanzi vanenge zvichitevera zvichivapukuta.

Semaonero edu, vanhu vane huroyi hwakadai vanofanira kunyara kwete kuzvikudza pamwe nekuzvirova matundundu vachiti vanotyiwa nevamwe!

Tinodaro nekuti hapana chinhu chinobatika kana kuti chinopa pundutso chinouya nekuda kwehuroyi.

Huroyi hwose hwakafanana uye hwakaipa senyoka iyo inogona kuuraya chinhu chaisingadyi. Muhupenyu, kuti munhu ubudirire unotofanira kushanda nesimba kwete kuda kuchiva zvevamwe.

Kuromba kwakashata uye mangwana kunomukira.

Izvi zvinoburitswa pachena nepfumvu inonzi iri kuonekwa nevamwe vanozoda kunodzosera huroyi hwenzimu kunyika dzakaita seMozambique uko kwavanenge vahupihwa.

Zvinonzi vanoudzwa nen’anga dzinenge dzakambovapa mishonga iyi kuti dzinoda mombe dzakawanda.

Zvinoratidza zvoga kuti huroyi uhu hwakashatisisa nekuti kudai husina chakaipa pahuri vamwe havaizoedza kuhudzorera kwavanenge vakahutora.

Kushandisa mishonga yose yakaipa iyo inokuvadza vamwe kana kuvapa jambwa kwafanana nechivi icho chinodya mwene wacho mune remangwana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>