MAONERO EDU: Yunifomu yakanaka kumwana wechikoro

08 May, 2015 - 00:05 0 Views
MAONERO EDU: Yunifomu yakanaka kumwana wechikoro

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya iri pamusoro pemayunifomu anopfekwa nevana vechikoro apo vamwe vanopa pfungwa dzavo vachiti mamwe emayunifomu evasikana anonyanya kupfupikisa, ukuwo vakomana vachirembedza mabhurugwa, izvo zvisingape chimiro nehunhu hwakanaka kumwana.

Vamwe vanotiwo ikodzero yemudzidzi kupfeka yunifomu yaanoda koitawo vamwe vana vanofunga kuti dai kusina mayunifomu echikoro zvachose. Asika, semaonero edu zvakakosha kuti vadzidzi vapfeke zvakadzikama uye zvisingavabvise chimiro.

Tikada kutarisa kuvadzidzi vechikomana kune vamwe vave kuvirikidza mabhurugwa anosvika matatu vozoisa tirauzi pamusoro iwo matayi achirebeswa zvekusvika mumabvi kana kudarika.

Vadzidzi ava vanodembedza mabhurugwa zvekuti zvinonetsa kuziva pane zviuno zvavo. Chokwadi ndechekuti isu sevanhu vatema tine tsika pamwe nezvinotarisirwa izvo zvinotisiyanisa nemamwe marudzi akaita sevachena. Nemwana wechikorowo, anofanira kupfeka zvinomuburitsa pakati pevamwewo vanhu zvavo.

Hazvina hunhu kuti vadzidzi vechikomana vapfeke mabhurugwa akawanda uye kuti vafambe vakaarembedza.

Uku ndiko kunonzi kushaya hunhu pamwe nekufumuka chaiko, zvisinei kuti kune vamwe vanogona kuda kutsigira mapfekero akadai. Hazvisi zvedu izvi! Hurukuro yakaitwa neKwayedza nevamwe vana inoratidza kuti kune chimwe chikwata chine pfungwa zvakare dzekuti mayunifomu ngaaregwe kupfekwa zvachose. Semaonero edu, vadzidzi vanotsigira kuti mayunifomu asapfekwa zvakaita sekupuraimari nesekondari vanogona kunge vari nhubu. Tinodaro nekuti mayunifomu anoita kuti mudzidzi azivikanwe izvo zvinoita kuti kana naiye achengetedze hunhu hwake. Ndokusaka vemabhazi nemakombi vachiti kana mwana akapfeka yunifomu anobhadhariswa mari yakaderera pane uyo asina.

Mayunifomu anoenzanisa vana zvekuti hazvizomboonekwe kuti uyu anobva kumhuri inowana kana kuti inoshaya.

Kusingade kupfekwa mayunifomu kuzvikoro zvepamusoro zvakaita semayunivhesiti nemakoreji, kwete kupuraimari nesekondari.

Tinoshorawo zvikuru danho rakatorwa nezvimwe zvitoro nekukwidza mitengo yemayunifomu emuchando panguva iyo mari iri kunetsa kuwana. Hapa chikonzero chisvinu chakaita kuti zvitoro izvi zvitore danho iri kunze kwemakaro. Vabereki vakawanda vari kuchema-chema nekukwira kwakaita mayunifomu aya panguva iyo zvikoro zvakavhura sezvo panenge pachidiwa zvakawanda zvakaita semari yechikoro nezvimwe zvinoshandiswa pakudzidza.

Nekudaro kukwidzwa kwemitengo yemayunifomu uku kunobva kwaita kuti vabereki vaomerwe zvikuru.

Chinoshamisa ndechekuti mayunifomu aya akakwira panguva iyo Hurumende iri kuti mitengo yezvinhu inofanira kudzika.

Kunyangwe bepanhau reKwayedza, rakadzikiswa mutengo kubva pa$1 kuenda paUS50c nechinangwa chekurerutsira vatengi.

Mitengo yezvinhu inofanira kudzika kuti zvifambirane nedonzvo reHurumende rekuvandudza upfumi hwenyika pasi pechirongwa cheZim-Asset. Hapana zvikonzero zvakasimba zvinoita kuti mayunifomu akwidzwe mutengo kunze kwekuda kurozva vabereki mari dzavo zvinova zvinhu zvisina kunaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>