Maonero emwaka wekurima

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Maonero emwaka wekurima

Kwayedza

naSimba Gotosa

MUCHIKAMU chino nezvinotevera, isu veSeed Co tinoramba tichikupai muono wedu wemwaka nezvatinotarisira kuti varimi vaite. Mawaniro emurimi wega wega anosiyana mwaka nemwaka saka ngatirime ndima inoendirana nemawaniro edu mwaka iwoyo tisaita zvezimunda kura-kure.Sevarimi, ngatikoshese mahekita emadzinde echirimwa kwete endima yatarima semuenzaniso 55 000 paSC 727.  Huwandu hwemadzinde pandima hunoenda huchiita hushoma nekufamba kwemwaka. Chakosha zvinhu zvatinowana kubva muchirimwa (benefits) segoho kwete mbeu zvairi (features).

Tikaramba izvi zviri mupfungwa dzedu pese patinotenga mbeu, nyaya yekutora chibage kubva kunyika diki seMalawi inobva yapera. Nekudyidzana kwatinoita nebandiko reAgritex, anotevera mashoko ekurudziro akabva kunaDistrict Training Officer weMazowe VaNekati:

Mwaka wemvura unogona kukurumbidza kutanga kana tichienzanisa nenguva yawaitanga mwaka miviri yapfuura. Pari zvino varimi vose tinotarisira kuti vanenge vaunganidza zvekushandisa zvinoti mbeu, mafetereza nemishonga yesora uye vatogadzirira minda yavo (land preparation). Vane madiridziro ngavasamirire kunaya kwemvura, tinokurudzira kuti ngavadyare vachidiridzira.

Chero zvazvo paine mukana wakakura chaizvo wekuwana mvura yakawanda inopfuura mwero pamwaka uno, asi kana takatarisana neNational Strategic Planning and Development yenyika, tinotarisira kusangana nekushomeka kwemvura pakati pemwaka (mid-season dry spell) sezvo matunhu ose munyika asingawane mvura yakafanana.

Tinofanira kupfuurira mberi nemabasa ekuchengetedza hunyoro nemvura kunyanya vaya vari kuRegion 4 ne5 sezvo tiri kutarisira kuti huwandu hwemvura huchange huchizoshomeka nekufamba kwemwaka. Kuvakwa kwemadhamu madiki, kucherwa kwezvibhorani kana kuwedzera kudzika kwawo uye kuchengetedzwa kwemapani (wetlands) kunokurudzirwa chaizvo kunyanya kunzvimbo dzakaita seMasvingo, Midlands, Matebeleland North neSouth.

Kuiswa kwemafetereza kunofanira kunge kuchiiswa takatarisana ne10-day weather forecast kana mushure mekurudziro inobva kuvarimisi veAgritex.

Maonero emwaka neveZCFU:

Zimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU) isangano ravanasapurazi rakavambwa gore ra1996 riri Indigenous Commercial Farmers Union (ICFU). Rakatanga iri association muna1990 ndokuzobvumidzwa neHurumende zviri pamurawu kuva mubatanidzwa wevarimi (Farmers Union) muna1996.

Donzvo reZCFU kumirira zvido zvevarimi kuti vakwanise kurima zvakanaka vachiita mari. Tinokurudzira kurima tichiwana goho repamusoro pane zvese zvatinoita zvisinei nekukura kwendima yaunoshandisa kuti tikwanise kuriritira mhuri dzedu, titengese nekugutsa nyika.

Mwana wa2016/17 mwaka wakatarisirwa kuva nemvura ine huwandu hune mwero kana kudarika kuburikidza nevanoongorora mamiriro ekunze, veMeteorological Services Department (MSD).

Zvakadaro, tinotendazve Hurumende nechirongwa cheCommand Agriculture icho chakanangana nekurimwa kwechibage. Gadziriro yakaitwa nevarimi inoratidza shungu dzekuita zvakanaka. Nekudaro tiri kukurudzira Hurumende ichipedzisa kupa zvishandiso zvakakodzerana nechirongwa ichi kunyanya mishonga yesora yekudyarisa (pre-emergence).

Mbeu yakawanikwa nevarimi inonzi SC 727 imbeu inopa goho rakanaka kwazvo kana yawana zvakakwana kubvira kumvura, fetireza nemwaka unokodzera. Hatide kuti izotadza kuita zvainogona nekuda kwesora.  Mishonga yesora inodiwa mbeu dzamera (post-emergence) inodiwa zvekare kuti varimi vagare vana yokuitira kubata nguva dzekushandisa mumunda.

Hurimi hwakanaka hunobuda nekubata nguva yezvinoda kuitwa. Murimi anofanira kubata nguva pane zvese achishanda nevarimisi kutsvaga ruzivo.

Pamusoro peCommand Agriculture, tinokurudzira zvakare kuti varimi vadyarewo mbeu dzine mwaka mipfupi kuenda pakati nepakati kuitira tsaona dzinogona kusanganikwa nadzo mumwaka.

Huwandu hwemvura yatakatarisira mwaka uno hunodawo gadziriro yemakandiwa kudzivirira kukukurwa kwembeu, ivhu nefetireza.

Tinenge tadzivirirawo kuvharwa kwenzizi nemadhamu nevhu. Insurance yakanaka zvakare kuvanayo nekuti inobatsira kana paitawo tsaona.

Chekugumisira tinokurudzira kuti vakapinda muCommand Agriculture vasatambise zvishandiso asi kuti varime tikohwe. Hurumende ngaigadzire makomiti anoteverera vakawana rubatsiro urwu kutanga nhasi kusvika pakutengesa mbeu idzi kuGMB sezviri muchibvumirano chayo nemurimi wega wega.

Zvakadaro, tine vimbo yekuti tichava negoho rakanaka mwaka uno nembeu dzeSeed Co idzo dzatave nemakore akawanda tichirima dzichiita zvakanaka.  Aya mashoko ekukurudzira varimi anobva kuhofisi yaVaTevera, Director ZCFU.

Seed Co sekambani yemuno munyika zvizere itarisiro yedu yekuramba tichishanda nemasangano evarimi akaita seZCFU, ZFU, ZNFU neCFU zvakanaka ndokuti donzvo redu rekugutsa nyika yeZimbabwe riitike zviri nyore. Rutsigiro rwedu rwakaonekwa apo Seed Co yakavapo zvizere pamisangano yepagore yemasangano aya ese ari mana.

Pamisangano iyi yese izwi rairamba richibuda nderekugadzirira mwaka takanangana nekuwanda kana kushomeka kwemvura. Sekambani yenyu, tinotarisira kuti tikure tese saka mafambiro emwaka ukawirirana nezviri kutaurwa, varimi vari kunonaya mvura yakawanda ngavadyare mbeu dzeNzou SC 727, SC 719, SC 627, SC 633, SC 637 kana mwaka wafamba ngavatore SC 529 neSC 533.

Vari kunonaya mvura shoma ngavasimbirire paSC 301, SC 403, SC 513, SC 529 neSC 533. Kurudziro yemhando yembeu dzamungashandisa ticharamba tichikupai vhiki rega rega nekuti vakuru vakati dzokororo ine samba.

Mbeu dzinoendirana nenzvimbo yenyu mucharamba muchidziwana muzvitoro zvakaita seFarm & City, MeetroPeech, N Richards, OK, TM, MFS, Omnia, NTS Farm Shops, Prime Seed Co, Chopies nezvimwe zvitoro zvidiki zviri pedyonemi. Seed Co ine vamirisi (sales agronomists) vanogara mumadhorobha makuru emapurovhinzi enyu, vose vaneruzivo rwakakwana rwekubatsirana nemi varimi mune zvese zvekurima zvamungadada. Isu vekambani ye SeedCo tinoramba tichikushuvirai mwaka une mvura yakaringana.

KUTI SEED CO NDOKUTI MBEU, KUTI MBEU NDOKUTI SEED CO.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>