Mapuromota matiregerera: Papa Schneider

17 Nov, 2022 - 10:11 0 Views
Mapuromota matiregerera: Papa Schneider Papa Scheinder

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo weDendera — Ernest N’way ‘Papa Schneider’ Chayambuka — ochema-chema kuti mapuromota emhanzi kudai ashanda nevaimbi vari kusimukira vavapawo mukana wekuti vagadzire mazita avo.

Papa Schneider, uyo vazhinji vanomuziva panguva iyo akamboshanda naAllan Chimbetu, anoti zvakakosha kuti mapuromota apewo mukana kune vaimbi vari kusimukira vashande nevane mukurumbira sezvo izvi zvichizovabatsira kuti vazivikanwe vagogamuchirwa nevatsigiri vemhanzi.

Anoti muimbi kuti asimukire, anofanirwa kupihwa mukana wekuridza kumashoo nekushanda nevamwe vaimbi.

“Vaimbi tichiri kusimukira tinochema kumapuromota kuti dai atipawo mukana vatirongera mashoo tiridze tigadzire mazita edu tigozivikanwa nevatsigiri vemhanzi.

“Panorongwa mashoo evaimbi vane mukurumbira, ipapo isuwo tiri kusimukira tinofanirwa kushevedzwawo toridzawo nekuti zvinotibatsira kuti tionekwe nevatsigiri vonzwawo mhanzi yedu,” anodaro.

Papa Schneider, uyo anotungamira chikwata cheOrchestra Supernovo Giants, kubva zvaatanga kuimba akwanisa kutsikisa dambarefu rimwe rinonzi Ngamura Ndimba rine nziyo dzinosanganisira Mutupo Ndiani, Kanda Mambure naPorotsika Remberi.

Pari zvino anoti ari mushishi kubika dambarefu rake rechipiri iro anotarisira kuparura gore rino risati rapera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>