Mari iri kuwedzera

22 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
Mari iri kuwedzera Kutengesa fody

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MARI yepakati nepakati inowanikwa nevanhu vekumaruwa inonzi yakawedzera kakapetwa kaviri gore rino kana zvichienzaniswa nerapera panguva iyo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19 zvichitevera budiriro muchikamu chezvekurima uye mari inotumirwa kubva muno nekunze.

Izvi zvakabuda mugwaro re2021 Zimbabwe Rural Livelihood Assessment Report.

Mari yepakati nepakati inowanikwa nemhuri yakawedzera kubva paUS$33 muna2020 kuenda paUS$75 gore rino, inodaro Zimbabwe Vulnerability Assessment Committee (ZimVac).

Mumapurovhinzi ose enyika, kuwanikwa kwemari pamwedzi kwakawedzera kubva paUS$27 neUS$45 kuenda paUS$63 neUS$102.

Chikamu che67 percent chevanhu vari muZimbabwe vanogara kumaruwa uko vazhinji vacho vanorarama nekurima.

“Hurumende yakazvipira kuti pave nemamiriro ezvinhu akakodzera anoita kuti nyaya dzeupfumi dzisimukire izvo zviri kuona kuwedzera kwemari iri kuwanikwa nemhuri,” rinodaro gwaro iri.

Mhuri dzakawanda dzinonzi dziri kurarama nekuita mabasa akasiyana (23 percent), kutengesa zvirimwa (11 percent), kutumirwa mari nehama neshamwari dziri munyika muno (10 percent) nekutumirwa nevari kunze (7 percent) uye izvi zvakaonekwa kuti ndidzo nzira dziri kunyanya kuwana vanhu mari nadzo.

“Kuwanikwa kwemari uku kuchakaderera pamhuri kana zvichitariswa kuti munhu ari kurarama neUS$0,50c pazuva izvo zvinoita kuti vave varombo,” vanodaro VaLeo Chatedza, avo vanoona nezvedzidzo yekusimukira kwenyaya dzeupfumi (development economist) pane imwe yunivhesiti yemuno.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chinofadza ndechekuti mikana iripo yekusimukira kumaruwa, kunyanya munyaya dzekurima, uye izvi ndizvo zvakakosha zvekuti Hurumende nevatsigiri vange vachitarisa . . . zvirongwa zvepamusoro anoita kuti pave nemabasa nekuwanikwa kwemari yakawanda nemhuri.”

Hurumende yagara ichitsigira varimi vekumaruwa nezvirongwa zvinosanganisira Presidential Inputs Scheme nePfumvudza, izvo zvaita kuti pave negoho guru.

Hurumende zvakare ine chinangwa chekuti vanhu vakawanda vange vave kurarama upenyu hwakanaka panosvika gore ra2030 uye chirongwa chekupihwa kwematunhu masimba munyaya dzeupfumi (devolution) chinotarisirwa kuita kuti budiriro yekumaruwa iendeke.

Pasi pechirongwa ichi, nyika ichava nemabasa matsva akananga kusimudzira kumaruwa kuburikidza nekuvepo kwemichina yechizvino-zvino apo zvinhu zvakasiyana zvinenge zvichigadzirwa munharaunda uye kusimudzirwa kwechikamu chezvekushanyirwa.

ZimVac yakarumbudzawo Hurumende nekuita kuti mamiriro enyaya dzeupfumi agadzikane izvo zvakakosha mubudiriro yenyika.

Kuwedzera kwemari inowanikwa nevanhu vekumaruwa kuchaita zvakare kuti pave nemikana yekuvhurwa kwemabhizimisi matsva, kunyanya ane chekuita nenyaya dzekurima, zvinozoitawo kuti varimi vakwanise kutenga zvekushandisa sefetiraiza, mbeu nezvimwe munzvimbo dziri pedyo navo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>