Marimirwo anoitwa nyimo nemazvo

18 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
Marimirwo anoitwa nyimo nemazvo

Kwayedza

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
VARIMI mazuwa ekudyara ari kufamba zvekuti vamwe vabatira hura mumawoko, havachazive zvekuita, nekuda kwekunonoka kunaya kwemvura. Zvisinei, tinoenderera mberi tichiedza kubatsirana kuti iwo mwaka uri kunzi hauna kumira zvakanaka zvatingakwanise kuita ndezvipi kuti tiwane gohwo rakanaka. Hongu tichiri kukwanisa kudyara chibage, asi tava kutarisana nechibage chemwaka uri pakati nepakati zvichidzika kune icho chemwaka mupfupi. Tiri kutarisira kuti murimi ange achidyara mbeu dziri muchikwata cheTsuro, Tsoko, Mbizi neShumba asi dzichikwanisa kushingirira muzuva.

Toedza zvakare kuti mbesa pahekita dzoshomeka zvishomanini kuitira kuti zvirimwa zvisabvutidzane hunyoro hushoma huri muvhu pamwe nechikafu. Ngatiedzei kushandisa nzira dzatakambodzidzisana muzvinyorwa zvapfuura zvekukohwa mvura nazvo nemashandiro ayo. Uyezve minda inofanirwa kurimwa zvakadzika kuitira kuti mvura inatse kupinda pasi.

Nyimo ndechimwe chezvirimwa zvekuti murimi anokwanisa kurima dzichipa gohwo rakanakisa mumvura shoma. Naizvozvo, svondo rino tinodzidzisana marimirwo enyimo kuti tibude negohwa rine mutsindo.

Nyimo chirimwa chagara chichirimwa nevarimi vedu asi mubvunzo mukuru ndewekuti nyimo dziri kunatsa kurimwa nemazvo here? Ini ndinoti kwete.
Nekudaro ngatitarisei dzimwe nzira dzekutevedzera marimirwo enyimo.

Hatingadi kuti tidzidzisane pane izvo zvinoshandiswa nyimo, tingatoti imi sevarimi nevamwe mose motinyorerawo muchitipa izvo zvamunodzishandisa tozopawo vamwe zvichiburikidza nebepanhau rino reKwaedza. Tichazenge tichipa mibairo kune avo vanenge vanyora zvinogutsa uye zvinozipa.

Varimi vashomanini vasina mbeu yenyimo. Murimi anochengeta nekurima mbeu yenyimo yaanofarira, inomupa gohwo rakanaka riri pakati pe500kg nematani matatu pahekita uyezve ichikurumidza kuibva nekunaka parurimi.

Nyimo dzinoda mvura shoma kuti dziibve, dzikawana mvura iri pakati pe200mm ne600mm inokwanisa kusvika. Dzinobvuma mumatunhu ose emuno muZimbabwe asi dzichifarira ivhu rakadzika uye risingajenge mvura.

Nyimo dzinoda mbeu inokwana 30kg pahekita. Mbeu yenyima inoda kuiswa mushonga wema”fungicides” pakudyara kudzivirira zvirwere zvekuwora. Varimi vazhinji vanongokavira mbeu vachiita dzekutemera asi nyimo dzikadyarwa mumitsara dzinokura zvakanaka uyezve dzichitipa gohwo repamusoro.

Mitsara yatinokurudzira masendimita makumi mana ane mashanu kubva pamutsara kuenda pamutsara negumi neshanu kubva pambeu kuenda pambeu (45cm x 15cm). Izvi zvinopa kuti tiise mbeu inokodzera pahekita.

Nyimo sechirimwa chose dzinodawo mafetireza, munokurudzirwa kuti mushandise rudzi rweCompound D ine huwandu hunokwana 250kg pahekita. Tinoziwa tose kuti sora rinoba mvura yezvirimwa, chikafu chezvirimwa pamwepo nekuparadzira zvirwere netupembenene kuzvirimwa. Nekudaro nyimo dzinodawo kuitirwa zvimwe chetezvo.

Kuti nyimo dzipe gohwo repamusoro dzinoda kuumbirwa ivhu zvakanaka kuvhara midzi mihombe zvichibatsira kuti dzinatse kukura, uye kuti dzisaite ruvara rwegirini (green).

Kurumana nzewe: Kune varimi vefodya mutemo unoti fodya inofanirwa kunge yapedza kusimwa musi wa31 December, iyo fodya yakadyarwa munaDecember inowanza kubatwa nezvirwere saka inofanirwa kugara yakaongororwa. Musavarairwe kutopa fodya kana ichinge yasvika 10%, mozoona kuti mushonga wemasakatire epamusoro uri pedyo kuitira kana moda kuzoushandisa.

Murimi akachenjera anogadzirira kutyora fodya izvozvi pamwe nekuisa marasha kana huni dzemupuranga dzekupisisa fodya.
Ndinofunga maziva kuti sei ndati huni dzemupuranga, izvi kuitira kuti varimi vefodya tisagare tichipihwa mhosva yekuparadza masango.

MAKWIKWI:
Mubvunzo wesvondo rino:
Nyimo dzinoda fetireza yeCompoud D yakawanda zvakadii pahekita roga-roga?
Nyorerai mhinduro pafomu riri pasi motevedza zvose zvinodiwa. Kuti muzive zvakawanda, ridzai nhare dzinoti 0773 296 072.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>