Masike osimudzira vanasikana

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Masike osimudzira vanasikana

Kwayedza

Shelton Muchena

MUIMBI ane mukurumbira wekuridza mbira nehosho mumusambo weAfro-fusion, Hope Masike, osimudzira vanasikana vane chido nemusambo uyu senzira yekuti vawane raramo. Masike anoti ane hurongwa hwekufamba kumapurovhinzi ose enyika achiita mashoo nedonzvo rekukwezva pamwe nekusimudzira vanasikana vane matarenda ekuridza mbira nehosho.

Muimbi uyu akatura mashoko aya svondo rapera nemusi weChishanu muguta reHarare apo aitandadza veruzhinji achipemberera zuva rebhavhadhe rake.

“Chishuwo changu ndechekudzidzisa vose vanasikana vanoda kuridza mbira zvisinei nekwavanobva. Izvi ndinovimba kuti zvinosimudzira hupenyu hwavo mune ramangwana nekuti kubva mukuimba vanowana mari yekuzviraramisa vasingaite mabasa akashata.

“Chinangwa changu ndechekuderedza kuroorwa kwevanasikana vasati vasvika zera rekuroorwa nekuti vanenge vava nezvekuita muhupenyu kunyangwe zvazvo zvimwe zvitendero zvisingawirirani nekuridzwa kwembira. Kuridzwa kwembira handioni kuine dambudziko nekuti vanhu vari kufarira musambo uyu uye vashanyi vanouya muno munyika vanoufarirawo zvakanyanya.

“Kuburikidza nemusambo uyu, ndinotarisira kukwezva vashanyi vakawanda uye kuti vandinodzidzisa vakwanise kuuridza zvekuenda kune dzimwe nyika pamwe chete nekukwezvawo vashanyi zvakare. Kushanya kwevanhu muno munyika kwakakosha nekuti zvinowedzera chikamu chemari inowanikwa neHurumende,” anodaro Masike.

Mumwe musikana ari kudzidziswa kuridza mbira nehosho naMasike, Caroleen Masawi, anoti anotenda zvikuru muimbi uyu nekusimudzira kwaari kuita tarenda rake.

“Kudzidziswa kwandiri kuitwa musambo uyu kwava kundisvitsa pane chimwe chidanho chandakanga ndakatarisirawo muhupenyu hwangu. Ndinovimbisa kusimudzira mureza weZimbabwe makore ari kutevera nekuridza mbira kuburikidza nedzidziso yandiri kupihwa iyi.”

Anoenderera mberi achit: “Masike anoratidza kuva musikana asina humbimbindoga mumusambo wembira nekuda kudzidzisa vamwe vanasikana. Ndinoshuvira kuti acharamba aine chido ichi uye dai awana rutsigiro nekuti ane chipo chekuda kupa vamwe ruzivo. Handaifunga kuti ndingawana munhu anokwanisa kurangarira vamwe vasikana sezvaanoita,” anodaro Masawi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>