Matsotsi emota asungwa aita tsaona

23 Aug, 2021 - 12:08 0 Views
Matsotsi emota asungwa aita tsaona

Kwayedza

Abel Zhakata

VAKOMANA vaviri vechidiki avo vanofungidzirwa kuti vanoba mota uye kuti ndivo vaiba motokari dzakawanda maMutare nenzvimbo dzakapoteredza vakasungwa apo vakaita tsaona zvichitevera kudzingirirana kwavakaita nevatyairi vemakombi vaida kuvabata kuti vagoenda navo kumapurisa.

Mutauriri wemapurisa kuchikamu chematikitivha mudunhu reMutare District, Detective Sergeant Coleen Mbato, vanotsinhira kusungwa kwaDarlington Rugohwo (18) naTakudzwa Nyamana (18) avo vanogara kuOTS kuSakubva.
Vari kutarisirwa kupinda mudare nguva pfupi iri kutevera nemhosva yekutyora mutemo weSection 113 weCriminal Law (Codification and Reform) Act, Chapter 9:23.

Detective Sergeant Mbato vanoti manheru emusi wa13 Nyamavhuvhu, VaDonald Muchabarwa (23) vekuZororo, kuSakubva vakapaka mota yavo yerudzi rweToyota Altezza pamba pavo ndokurara mukati mayo.

“Mushure mechinguva chipfupi, kwakatanga kunaya zvikaita kuti VaMuchabarwa vamuke ndokupinda mumba ndokurara. Zuva raitevera mangwanani acho vakamuka vachida kuenda kubasa ndokuona kuti mota yavo yakanga yabiwa.
“Vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP paSakubva,” vanodaro.

Mukuferefetwa kwenyaya iyi, zvakaonekwa kuti pakanga paine matsiko emavhiri emota pakaparirwa mhosva iyi uye shangu dzevanhu vairatidza kuti vakafamba-famba ipapo zvichiratidzawo kuti mota iyi yakaita zvekusundwa kubva pamba apa.

“Vari kufungidzirwa kuti vakapara mhosva iyi vakashandisa nzira dzisati dzazivikanwa kuvhura mota iyi,” vanodaro Detective Sergeant Mbato.
Zvisinei, mangwanani ezuva raitevera, mutyairi weimwe kombi, VaJoel Murahwa (33) avo vanoshandisa kombi yehanzvadzi yemumhan’ari, vakafonerwa nemumwewo mutyairi achiti mota yakabiwa yerudzi rweAltezza yaimutevera mumashure make mumugwagwa unobatanidza Mutare-Masvingo.

Mota yekubiwa iyi yakabva yaiswa pakati pemakombi maviri aya zvinova zvakaishaisa mukana wekutiza.
Vasungwa vaviri ava vakaedza kutiza kubva pamakombi maviri aya asi vakatadza zvikaita kuti mota iyi izorovera kumashure kwekombi yaiva pamberi apo vakanga vave kusvika panomira mapurisa emumugwagwa paHot Springs.

Mushure mekurovera, vasungwa ava vakatadza kufambisa mota zvakanaka zvikazoita kuti varovere pachikwangwani chemumugwagwa mota ndokumira.

Rugohwo naNyamana vakabuda mumota iyi ndokutanga kumhanya vachitiza.

Zvisinei, mapurisa aiva akamira mumugwagwa akabvunza kuti chii chakanga chaitika, ndipo pavakaudzwa kuti mota yeAltezza iyi yakanga yabiwa kuSakubva.
Vakadzingirira vaviri ava ndokuvabata

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>