Mazita evose vakachata oziviswa

15 Oct, 2019 - 12:10 0 Views
Mazita evose vakachata oziviswa Justice Sylvia Chirawu-Mugomba

Kwayedza

Fidelis Munyoro

MUCHIITIKO chinogona kuona shanduko huru mugwaro riri kubikwa kuti rizove mutemo, reMarriages Bill, iro rine chinangwa chekuti wanano dzose dzinge dzichibatanidzwa, mumwe mutongi wedare reHigh Court anoti panofanirwa kuve nedura (database) rine mazita evanhu vose vakaroorana zviri pamutemo nechinangwa chekuderedza nyaya dzevanopinda muwanano yechipiri munhu asina kukanzurisa muchato wake waanenge anawo kare.

Pari zvino vanhu vanoda kuchata vanofanirwa kuburitsa mifananidzo yavo yemhando ye”passport size” uye votorwa zvidhindo zveminwe (fingerprints) senzira yekuti vasapinde mune imwe wanano ivo vaine muchato kare.

Asi Justice Sylvia Chirawu-Mugomba vanoti izvi zvishoma panguva ino yeruzivo rwechizvino-zvino.

Vanoti hapana chinotadzisa Registrar of Marriages kuti pave nedura repadandemutande rinenge riine mazita evose vakachata zviri pamutemo.

“Anochatisa wose anotofanirwa kutanga avhura dura iri aone kuti munhu ari kuda kuroora kana kuroorwa akasununguka kubva kune zvose zvemitemo zvingamutadzise hurongwa hwake,” vanodaro Justice Chirawu-Mugomba.

“Pamusoro pezvo, munhu wose ada kuroora kana kuroorwa kana kuchata, anofanirwa kuburitsa gwaro rinotaura paamire muupenyu hwake panyaya yekuroora kana kuroorwa iro raanopihwa kuRegistrar of Marriages senzira yekumuchenesa.”

Justice Chirawu-Mugomba vakataura mashoko aya apo vaipa mutongo panyaya yeimwe shirikadzi, Mai Susan Mobape, avo vakazvuzvurudzira kudare Master of High Court, VaManyadzwa Kamuchira N.O naMuzvare Cynthia Chaitezvi pamusoro penyaya yemendenezi kubva kuupfumi hweaimbove murume wavo uyo ava mushakabvu.

Pakupa mutongo wavo, Justice Chirawu-Mugomba vanoti Mai Mobape – avo vakange vagara nemurume wavo muwanano yakange isina kunyoreswa kwemakore 42 kusvikira afa muna 2017 – havakwanisa kuti vawaniswe mendenenzi kubva paupfumi hwemushakabvu uyu.

Mushakabvu panguva yaaigara naMai Mobape semurume nemudzimai, akange asina kudzimisa wanano yake yaive yakanyoreswa pasi pemutemo weMarriage Act (Chapter 5:11) iyo akachata naMuzvare Chaitezvi.

Tiudzei zvamunofunga pamusoro penyaya ino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>