Mbanje inondipa simba: Mupositori

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Muhamed Komboni

MURUME wekwaMutare uyo anoti anopinda chechi yechipositori — wekubatikidzwa nemapurisa achiputa zvinodhaka aine mumwe wake —akashamisa vanhu vaive mudare apo akati anotora zvinodhaka kuitira kuti awane simba rekuriritira mhuri yake sezvo aine madzimai manomwe.

Ashton Bhasera (20) nemumwe wake — uyo asina kudomwa zita rake mudare— svondo rapera vakabvuma mhosva yavo pavakamiswa pamberi pemutongi Notebulgar Muchineripi wedare reMutare Magistrates Court.

Bhasera anoti anoputa zvinodhaka kuti awane simba sezvo achiita basa remaoko iro rinoda simba rakawanda.

“Mambo wangu, mhosva ndinobvuma. Ichokwadi kuti takabatwa tichishandisa zvinodhaka nemapurisa, asi chikonzero chakaita kuti ndizvishandise ndechekuti ndaida kuti ndiwane simba, ndishande zvakanaka sezvo ndichida kuriritira mhuri yangu.

“Ndine vakadzi 7 pamwe chete nevana 4, vose vanoda kuchengetwa uyezve pane mumwe mudzimai wangu akazvitakura. Vaviri ndinogara navo asi vashanu vanogara kumusha vose vanoda kuriritirwa neni,” anodaro Bhasera.

Anoti anopinda chechi yechipostori asi iye zvino akambomiswa nekuda kwezvikonzero zvaakatsanangudzira dare.

Bhasera nemumwe wake vakanzi vadzoke zvakare kudare apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>