. . . mbeu itsva kubva kuSeed Co

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
. . . mbeu itsva kubva kuSeed Co Seed Co Regional Managing Director VaDenias Zaranyika (kuruboshwe) vaina Dr Matthew Abang, avo vanova Plant Production and Protection Lead Technical Officer kuUnited Nations Food and Agricultural Organisation.

Kwayedza

Abel Ndooka naPhillipa Chinhoi-Mukome
KAMBANI huru munyaya dzekuuchika nekutengesa mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, svondo rino yakaparura mhando mbiri dzembeu itsva dzinoti SC 529 neSC 649 idzo dzinonzi dzinoshingirira muzuva uye dzinokwanisa kurimika mumwaka yakasiyana.

Vachitaura pagungano rekuparurwa kwembeu idzi kumuzinda weRattray Arnold Research Station uri kuArcturus, managing director veSeed Co – VaDenias Zaranyika – vanoti mwaka mitatu yadarika kambani yavo yakashanda zvikuru mukuita tsvakurudzo yembeu itsva mbiri idzi.

“Isu sekambani inouchika mbeu, ibasa redu kuti tibatsire varimi vari kusimukira mumabhizimisi avo nekuvagadzirira mbeu yakasimba iyo inorimika munguva dzose.

“Zvose mbeu nerutsigiro rweruzivo rwekurima zvinodiwa mukuvandudza marimiro epamusoro.

“Mbeu dzatiri kuuchika dzeSC 529 neSC 649 dzakatoshandura upenyu hwevamwe varimi mwaka yadarika.

“Takaiongorora, yakaratidza kuti inoshingirira muzuva uye inorimika munguva dzakasiyana,” vanodaro VaZaranyika.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mbeu iyi yakasimba zvikuru uye panguva yenzara yekusanaya kwemvura zvakanaka, inokwanisa kubereka chibage chakasvika sezvo isingakanganiswe nekupisa kwezuva.

“Izvi zvichabatsira imi sevarimi kuti panguva iyo inoshanduka mamiriro ekunze musarasikirwe nezvirimwa zvenyu,” vanodaro VaZaranyika.

 

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>