Mbudzi dzosimudza varimi

19 Oct, 2022 - 13:10 0 Views
Mbudzi dzosimudza varimi Dzimwe dzembudzi dzakapihwa varimi pasi pechirongwa chePresidential Goat Scheme kuHurungwe, kudunhu reMashonald West

Kwayedza

Conrad Mupesa

KUPARURWA kwechirongwa chekupfuya mbudzi chePresidential Goat Scheme pachikoro cheChembizi Primary School, kuHurungwe nemusi weChitatu wadarika kwaunza mufaro netarisiro kuvarimi vemudunhu iri.

Kunyangwe zvazvo vazhinji vavo vakarasikirwa nemombe nekuda kwechirwere chemahwanda kana kuti theileriosis uye vachirumbidza chirongwa chekupihwa tick grease yekuuraya zvikwekwe pamwedzi wega wega, kudzikira kwehuwandu hwembudzi dzavo kuri kuvashungurudza.

Vakawanda vavo kubva kare vanoona mbudzi sechikamu cheupfumi hwavo.

Vachitaura mushure mekuparurwa kwechirongwa ichi, mutevedzeri wegurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa – VaDavis Marapira – vanotenda President Mnangagwa nekuunza chirongwa ichi.

Dunhu iri rinotarisirwa kuwana mbudzi dzinopfuura 68 000 panosvika 2023.

Varimi vakapihwa mbudzi 6 000 kuti vachengete mumadistrcts ose ari manonwe ekudunhu reMashonaland West apo Hurungwe yakapihwa dzinosvika 1 000.

Vanotambura nevakwegura vakabatsirikanawo pasi pechirongwa ichi.

Mai Jerinasi Zvikonyauswa, mumwe wevakabatsirwa pasi pechirongwa ichi, vanoti zviroto zvavo zvazadzikiswa.

Vakapihwa mbudzi imwe chete zvikaita kuti dziwande kusvika panhatu sezvo vaive nedzimwe mbiri nechekare.

Vanoti vakapedza kutengesa mbudzi dzavo kuitira kuti vawane mari yechikoro yevazukuru vavo.

Mai Medis Gwaze (73) vekuMadudzo kuWard 15 kuHurungwe vanoti seshirikadzi, havana kunge vakatarisira kuti vachapihwawo mbudzi pasi pechirongwa ichi.

“Ichi chiroto chaitika sezvo ndakarasikirwa nembudzi nekuda kwezvirwere,” vanodaro. “Mwari varopafadze President Mnangagwa nemaitiro avo akanaka. Tinotenda zvikuru.”

Sadunhu Badwell Matau vanoti President Mnangagwa vanokodzera kuvhoterwa musarudzo dzegore rinouya kuti vazadzise chiono chavo chekusimudzira upenyu hweveruzhinji.

Sadunhu Gwerena, Mai Sabina Gwerena, vanoyambira vagari vemunzvimbo iyi kuti vasavese moto senzira yekuparadza zvikwekwe sezvo uchiparadzawo masango nekukonzera mamwe matambudziko, asi kuti vabatsirike nechirongwa chePresident’s Tick Grease Programme.

“Mbudzi dzatiri kuwana dzinoda mafuro uye tikaramba tichipisa minda nemasango hatizokwanisa kudzipa chikafu,” vanodaro.

Mambo Dandawa, VaTrymore Dandawa, vanoti vane tarisiro yekuti mbudzi idzi dzichawanda varimi vagobatsirika.

Vachitaura, VaMarapira vanoti mudunhu reMashonaland West mave nembudzi dzinosvika 419 319 hunove huwandu hunotarisirwa kupetwa kaviri mugore rinouya.

“Chirongwa cheGoat Scheme chine chinangwa chekuwedzera huwandu hwembudzi uye kubatsira mukusimudzira nyaya dzekuwaniswa kudya kunovaka muviri nekuderedza kushaya chikafu chine utano kuvana,” vanodaro.

Gurukota reHurumende reMashonaland West, Cde Mary Mliswa-Chikoka, vanoti chirongwa ichi chichasimudzira budiriro yeupfumi hwenyika izvo zvinofambirana nemuono weVision 2030.

Kuparurwa kwechirongwa ichi kwakaonawo madzishe mana achipihwa mafetiraiza nembeu pasi pechirongwa chePfumvudza Input Scheme.

Share This:

Sponsored Links