Mbudziyadhura onzi arwara kuLalapanzi

05 Feb, 2021 - 11:02 0 Views
Mbudziyadhura onzi  arwara kuLalapanzi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUTAMBI wemadhirama Blessing “Mbudziyadhura” Chimhowa (47) anonzi ari kurwara zvekurara ari kuLalapanzi, kuGweru uko anorima mushure mekuwana munda.

Mbudziyadhura akaita mukurumbira zvichitevera kubuda kwaakaita mudhirama rinonzi “Gringo The Trouble Maker” iro akaita nemushakabvu Lazarus “Gringo” Boora makore adarika.

Agnes Nangara (38) anova mudzimai waMbudziyadhura anoti murume wake ari kurwara zvakanyanya.

“Murume wangu anoda ‘special care’ kuburikidza netsaona yemotokari iyo akamboita makore gumi akadarika. Munhu anogara achitora mishonga nechikafu icho akanzi nemachiremba apote achidya.

Zvino nekugara kumba uko tiri kuita nekuda kwechirwere cheCovid-19, hatisi kukwanisa kuwana mishonga inodiwa uyewo mari yacho hapana nekuti baba havasi kuenda kubasa,” anodaro Nangara.

Anoti murume wake akatanga kurwara nemusi weChipiri chadarika achirwadziwa nemudumbu nepachipfuva ndokumboenda naye kukiriniki yeHozheri iri kwakare kuGweru uko akanorapwa vakadzokera kumba.

“Hurwere uhwu hwakura zvekuti izvozvi hamukwanise kutaura navo,” anodaro.
Nangara anoti murume wake aimbove logistical manager kuHIFA iyo yakamira kushanda makore maviri adarika.

Paradzai Makosa anova maneja waMbudziyadhura anotsinhira kurwara kweshasha yemadhirama iyi.
“Hongu, Blessing Chimhowa arwara sezvinhu zvisina kumumirira mushe uyo agara achirwara uyewo haasi kuenda kubasa. Tiri kutsvaga rubatsiro rwemari nezvimwe zvingatibatsira kubva kuruzhinji rweZimbabwe nevamwe vekunze kwenyika.

“Kune vanoda kuisa mari vanoisa mubhengi reStanbic Bank Belgravia Branch rine nhamba dzinoti 9140000151024 uye rine zita raBlessing Chimhowa, EcoCash inoiswa panhamba 0783 327 594 muzita raAgnes Nangara uyewo OneMoney inoiswa muzita raBlessing Chimhowa panhamba dzinoti 0719 336 024,” anodaro Makosa.

Share This:

Sponsored Links